Mumiriri wePalestine muZimbabwe, VaTamer Al-Masri, vashora Israel vachiti ndiyo iri kukonzeresa mhirizhonga iri kuitika munzvimbo yeGaza, iyo inogara vanhu vemuPalestine vanoraudzira mamiriyoni maviri nechidimbu. Asi mumiri weIsrael ati zvinoshamisa kuti Palestine iri kutadza kuona mabasa akaipa ari kuitwa nechikwata cheHamas..
VaMasri vataura mashoko aya pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi muHarare.
“Tinozviziva kuti Israel irikuda kuparadza zvizvarwa zvePalestine, ndiko saka vari kukanda mabhombha asingaperi aya, vobva vada kuhwanda nechigunwe. Ikozvino 65% yezviuru zvaurayiwa madzimai nevana. Hakuna mvura yakachena yekunwa, hakuna chikafu nepekugara, hakuna magetsi. Nyika dzepasi rese dzinofanira kumira nesu panguva yakadai, kwete kungoramba dzakanyarara.”
Asi mumiriri weIsrael muZimbabwe, Zambia neBotswana, Amai Ofra Farhi, vati zvinoshamisa kuti Palestine iri kuona kuipa kweIsrael, ichitadza kuona mabasa akaipa ari kuitwa neHamas.
“Zvinoshamisa kuti mhandu iri kuzivikanwa kuti iHamas, asi Palestine irikuda kupomera nyika yeIsrael mhosva yaisina. Hamas ndiyo yatiri kurwisa nekuti yakauraya zvizvarwa zvedu nenzvira inorwadza moyo.
"Ndiani munhu angaramba akanyarara mhuri yake ichipera kuurayiwa? Chero dai zvakaitika kuZimbabwe ikoko, munofunga kuti hurumende yenyu yairamba yakanyarara here? Israel haina mhosva.”
Vati kupedza matambudziko ari muGaza, Palestine inofanira kushanda nedzimwe nyika kurwisana neHamas.
“Kana chikwata cheHamas chikapedzwa chese, zvinhu zvose zvinonaka. Saka Palestine ine chitsvambe chekuti midzi yese ine chikwata ichi muGaza, idzurwe. Ndiyo yega nzira ingaunza kugadzikana muGaza. Saka pane kutipomera mhosva, Palestine ngaifumure pese paneHamas, nepavanochengengetera zvombo”
VaAl-Masri vatsoropodzawo America, vachiti ndiyo iri kubatsira Israel mukuuraya zvizvarwa zvePalestine zviri muGaza.
“Tinozviziva kuti America iri kushanda neIsrael nekuti takaona zvombo zvakabva kuAmerica, mushure mekunge zvashandiswa kuparadza zvivakwa zvemuGAZA. Tinoshora zvikuru kuita kweAmerica uku, nekuti irikuda kushandisa masimba ayo pasina kufanira.”
Asi mutauriri wemuzinda weAmerica muZimbabwe, VaLaurence Socha, vaudza Studio 7 kuti merica iri kuda kubatsira zvizvarwa zvePalestine, kwete kuzviparadza.
“Nyika yeAmerica, kubudikidza naSecretary of State, VaAntony Blinken vakataura nemutungamiri wePalestine VaMahmoud Abbas, vakabatawo maoko nekuda kwevanhu vakauraiwa muGaza.
Vavaudzawo kuti vanhu veHamas havasi vanhu vePalestine, uyewo America icharamba ichirwisana nemapato ese anopfurikidza mwero.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, neChitatu vakavimbisawo rubatsiro rwemari inosvika mamiriyoni zana kunyika yePalestine, kuti vari kugara muGaza vabatsirike.”
NeChitatu mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakashanyira Israel, vakapa rutsigiro rwavo kunyika iyi. Vakatiwo America ichapa rubatsiro kuvanhu vekuPalestine vakavhiringwa nekurwisana kweIsrael neHamas
Mutungamiri wehurumende yeBritain, VaRishi Sunak vashanyirawo Israel nhasi, uye vati vanomira nevanhu nehurumende yeIsrael.
Hondo iyi, iyo yakatangwa neHamas ichirwisa Israel musi wa 7 Gumiguru, yaurayisa vanhu vanodarika zviuru zvina nemazana masere kubva ku Israel neGaza, inove pasi pePalestine.
Your browser doesn’t support HTML5