Bato reZanu PF Rokurudzira Kuti VaTafadzwa Manyika Vaferefetwe Zvichitevera Tsamba Yavo Yekudzinga Nhengo dzeParamende dzeBato Iri

VaJacob Mudenda

Bato re Zanu PF rinonzi riri kuda kuti VaTafadzwa Manyika, avo vanoti vakanyora tsamba yekudzinga dzimwe nhengo dzebato iri muparamende, vafererefetwe nemapurisa uye kuti vasungwe.

VaManyika vakanyora tsamba kumutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, yekuti nhengo dzebato iri dzeparamende dzinosvika makumi manomwe, kusanganisira mwana wemutungamiri wenyika vari mutevedzeri wegurukota rezvemari, Va Kuda Mnangagwa, vadzingwe mudare reparamende, vachiti nhengo idzi hadzisisiri dzebato reZanu PF.

Tsamba yaVaManyika inonzi yakafanana neyakanyorwa naVaSengezo Tshabangu, avo vanozviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuri webato reCCC, yavakaendesawo kuparamende zvakakonzera kudzingwa kwenhengo dzeparamende dzebato iri dzinosvika gumi neshanu muparamende.

Zvichakadaro, VaManyika vatumira mashoko kuStudio 7 vachiti vave kutyira hupenyu hwavo sezvo vari kutumirwa mashoko ekuvatyisidzira avanoti ari kubva kuvanhu vakasiyana siyana vavasina kudoma nemazita.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanuPF, VaChris Mutsvangwa, pamwe nemushandi mukuru muhofisi yekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Muroiwa Marapira, sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Studio 7 haina kukwanisawo kubata mutauriri weparamende ,VaJacob Mudenda, kana mabharani wedare, VaKennedy Chokuda, avo vanga vasiri kudairawo nharemhozha dzavo.

Asi imwe nhengo yebato reZanu PF muAmerica, VaFrenk Guni, vanoti VaManyika haisi nhengo yebato ravo uye zvavari kuita mahumbwe, hakuna kwazvinoenda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFrenk Guni

Mutauriri webato rinopikisa reCCC, VaPromise Mkhwananzi, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika munyika idonga watonga iri kukonzerwa nebato re ZANU PF, vachiti VaMudenda havaifanira kunge vakatambira tsamba yaVaTshabangu nekuti ndiyo yave kukonzeresa mvonga mupopoto munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPromise Mkwananzi