Hondo yeIsrael neHamas yekuPalestine iri kuenderera mberi panguva iyo mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, avo vakashanyira Israel neChitatu, vari kutarisirwa kutaurira mhuri yeAmerica manheru eChina zvakabuda mumusangano wavo.
VaBiden vakasangana nemutungamiri weIsrael VaBenjamin Netanyahu muTel Aviv, umo vakakurudzira kuti vagari vemuGaza vapihwe rubatsiro rwuchibva nekumuganhu wEegypt.
Asi hofisi yaVaNetanyahu vazivisa kuti nyika yavo haisi kuzoendesa rubatsiro kuvagari vemunzvimbo iyi kusvikira vanhu vakapambwa neHamas vadzoswa.
Zvichakadaro, nyanzvi munyaya dzezvekutapwa kwenhau uye vachisanda nesangano reInternational Media Support, VaRashweat Mukundu, vakurudzira vatori venhau kuti vaite tsvakurudzo vasati vanyora nyaya yezviri kuitika muhondo yeIsrael neHamas sezvo kune dzimwe nhau dzemanyepo dzinonzi dziri kuburitswa pamadandemutande panguva yehondo iyi.
“Zvakakosha kuti vatori venhau vaite tsvakiridzo dzekuti zvavari kunyora nezve hondo yeIsrael neHamas ndezvechokwadi sezvo dzimwe nhau dziri kubuditswa nemativi maviri aya uye padandemutande dzisiri dzechokwadi,”VaMukundu vaudza Studio7.
Mutungamiri weEgypt VaAbdel Fattal el-Sisi vari kusangana nemutungamiri weJordan King Abdullah ll muCairo umo vachaita hurukuro yekuzeya hondo ye Israel neHamas,
Vatungamiri vaviri ava vari kukurudzirwa kuti vavhure miganhu yavo kuvagari vePalestine asi parizvino havasati vatambira zvikumbiro izvi.
Vanhu vanodarika 1 400 veku Israel vanonzi vashaya kubva kuhondo iyi uye vanhu vanosvika 2 800 veku Palestine vakashaya zvakare kubva patanga hondo iyi.
Vagiri vemunyika dzakawanda pasi rose vanotsigira Israel nevamwe vanotsigira Palestine vari kuratidzira vachishora hondo iyi.
Your browser doesn’t support HTML5