Motokari hombe dzinosvika makumi maviri dzesangano reEgyptian Red Crescent dzakatakura rubatsiro rwunosanganisira chikafu, mishonga nemvura, dzatanga kupinda mudunhu reGaza Strip nhasi dzichishandisa muganho weRafah Crossing, uyo uri pasi peEgypt.
Vachitaura pamusoro pechiitiko ichi, munyori mukuru wesangano reUnited Nations, VaAntonio Guterres, vati motokari idzi dzinofanirwa kufamba nekukasika nenzira isingakanganiswi, yakasununguka, kubva kuEgypt kupinda muGaza.
VaGutteres vatenda Egypt nekuronga kwayo kuti motokari idzi dzikwanise kufamba.
Dzimwe motokari dzakawanda dzinonzi dzakamirira kwemazuva akawanda dziri pedyo neRafah kupinda muGaza nerubatsiro rwekupa kuvanhu vanodarika mamiriyoni maviri vari mudunhu iri.
Mugwaro ravaburitsa, vari kutungamira hurongwa hwerubatsiro rweGaza, VaMartin Griffiths, veUnited Nations, vati vanotarisira kuti rubatsiro rwapinda muGaza urwu harwuzove rwekutanga nekugumisira.
Motokari idzi ndidzo dzekutanga kubvumidzwa kupinza rubatsiro muGaza kubva Hamas zvayakarwisa Isreal yakavarairwa musi wa 7 Gumiguru, izvo zvakaurayisa vanhu chiuru nemazana mana zvakaitawo kuti Israel ibhombe nekuvharira Gaza.
Vanhu vanodarika zviuru zvina vemuPalestine vaurayiwa mukurwisana uku. Gaza iri kutarisira kupinda kwemauto eIsrael epasi mudunhu iri chero nguva mushurew mekunge Israel yakurudzira kuti vanhu vabude mune rimwe dunhu.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakazivisa nezvechibvumirano chekuti rubatsiro rwubvumidzwe kupinda muGaza kwenguva pfupi asi gadziriro yacho yakanonoka apo United Nations yaishanda neEgypt, Israel neAmerica kujekesa mashandiro nenguva yechibvumirano ichi.
Nyanzvi munyaya dzekuwaniswa kwerubatsiro uye vakambotungamira sangano reChristian Care, Reverend Forbes Matonga, vekereke yeUnited Methodist Church, vanoti vanotenda zvikuru nedanho rekutanga rekupinza chikafu muGaza Strip iri, vachiti vanotarisira kuti dzimwe motokari dzine rubatsiro dzinodarika mazana maviri dzichiri pamuganho weRafah dzichabvumidzwa kupinda zvakare.
Asi vanoti masangano anopa rubatsiro haadi kuti vezvematongerwo enyika vapindire mukugoverwa kwerubatsiro urwu, uye vanotarisira kuti rwuchasvika kuvanhu vanokodzera kurwuwana.
Your browser doesn’t support HTML5