Musangano weKodzero dzeVanhu muAfrica Unotanga muArusha, Tanzania, Nyaya yeKodzero dzeVanhu muZimbabwe Ichisimudzwawo

  • Jonga Kandemiiri
African Union

African Union

Musangano wechimakumi manomwe nenomwe, we 77th African Commission on Human and Peoples’ Rights wakatanga neChishanu muArusha, muTanzania, masangano anorwira kodzero dzevanhu achisangana parutivi pemusangano uyu kuti azeye nekuongorora mamiriro enyaya dzekodzero dzevanhu muAfrica.

Pamusangano uyu, nyaya yeZimbabwe inonzi yakasimudzwawo, mutungamiri weInternational Federation for Human Rights, Amai Alice Mogwe, vachinzi vakakurudzira kuti vanorwira kodzero dzevanhu vapewo nzeve kunyaya dzekodzero dzevanhu muZimbabwe.

Amai Logwe vanonzi vakakurudzirawo sangano reAfrican Commission on Human and Peoples’ Rights kuti ritore matanho akasimba uye kumira nevana veZimbabwe mukutsvaga nzira dzinogadzirisa nyaya dzekodzero dzevanhu munyika.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anosanganisira Zimbabwe Human Rights Association, Zimbabwe NGO Forum, neZimbabwe Lawyers for Human Rights, ndemamwe anonzi ari kupindawo musangano uyu akabva kuZimbabwe.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemitemo, vaziyambi Ziyambi kuti tinzwe kuti ndiano ari kumirira hurumende rwendo rwuno, asi inonzi inosimborirwa negurukota kana vavwe nevashandi vebazi rezvemitemo kumisangano iyoyi.

Mukuru weZimbabwe Human Rights Association, VaDzikamai Bere, vanoti komisheni isati yatanga basa rayo, musangano wega wega unotangirwa neinonzi NGO Forum, iyo inokokorodza masangano akazvimirira oga kubva kwakasiyanasiyana muAfrica anoita basa rekodzero dzevanhu.

"Vanenge vachizeya nekuongorora nhau dzimwe dzingadai dzichikodzera kuzomira pamberi pekomisheni, iya yatingati advocay. Zvino mukunan'anidza ikoko ndopakabuda nyaya yeZimbabwe," vanodaro VaBere.

Musangano uyu unotarisirwa kupera musi wa 9 Mbuzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDzikamai Bere