Vanhu Vanodarika Zviuru Zvishanu (5000) Vafa muPalestine Pachityirwa Kuti Hondo Inogona Kupararira

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Vakuru mubazi rezvehutano kana kuti Palestinian Authority Ministry of Health vanoti vanhu vanodarika zviuru zvishanu nemakumi masere nemanomwe kana kuti 5,087 vafa muGaza nemuWest Bank.

Vanhu vafa muIsrael vanodarika chiuru chimwe chete nemazana man kana kuti 1,400. Hondo iyi yakatanga musi wa 7 Gumiguru. Pari kutyirwa kuti hondo iyi ichapararira muMiddle East zvinonzi zvichakonzerawo matambudziko pasi rose.

Vatungamiri venyika dzinoti United States, Canada, France, Germany, Italy neBritain vakaita nhaurirano parunhare nezuro dzaikokerwa nemutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden.

Vatungamiri ava vakati vari kutsigira Israel asi vakati mitemo yekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu inofanira kuremekedzwa muhondo iyi.

Israel yatotanga kurwisana nechikwata cheHezbollah muLebanon uye zvimwe zvikwata zviri muSyria neYemen. America yatumira ngarava dzehondo mudunhu iriichiyambira nyika dzakaita seIran kuti dzisapindire dzichitsigira Hamas.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research institute Doctor Prosper Chitambara vanoti hondo iyi ikapararira, ichakanganisawo hupfumi hweZimbabwe nedzimwe nyika dzepasi rose.

"Zvakakosha kuti mapato maviri aya ataurirane kuitira kuti pave nerunyararo sezvo nyika zhinji pasirose kusanganisira Zimbabwe dzichizogona kutarisana nekukwira kwemitengo yemafuta izvo zvinozoita kuti chikafu nezvimwe zvidhure," VaChitambara vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaProsper Chitambara