Zimbabwe Yoyambirwa Kuti Igare Yakagadzirira Kukanganiswa kweHupfumi neKuda kweHondo yeIsrael neHamas.

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

ISRAEL-PALESTINIAN-CONFLICT

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi muzvinafundo Elliot Masocha vanodzidzisa paDeVry University muno muAmaerica vari kukurudzira Zimbabwe kuti igare yakagadzirira kukanganisika kwehupfumi zvichikonzerwa nehondo pakati peIsrael neHamas.

Vari Kuyambira kuti hondo iyi inogona kutanga kupararira mudunhu rose reMiddle East kana Israel ikatumira mauto kupinda muGaza.

Hurumende yeAmerica iyo yakatotumira ngarava dzehondo kuMiddle East uye ikati mauto ayo agare akadzipakatira iri kupomera Iran mhosva yekubatsira Hamas. Asi Iran iri kuzviramba.

Bazi rezvehutano muGaza rinoti kubva nezuro kusvika nhasi, kwakaurayiwa vanhu mazana manomwe nemauto eIsrael.
Vafa muGaza neWest Bank vadarika zviuru zvishanu nemazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 5, 791 kubva zvakatanga hondo iyi.

MuIsrael vafa chiuru chimwe nemazana mashanu kana kuti 1,400. Zvimwe zvikwata zviri muLebanon, Syria neYemen zvatotanga kurwisana neIsrael.Muzvinafundo Masocha vaudza Studio 7 kuti, "Zvakakosha kuti hurumende yeZimbabwe igare yakagadzirira kukanganisika kwehupfumi kana hondo yeIsrael neHamas akaramba ichienderera mberi.”

Vaenderera mberi vachiti, “Parizvino hondo iyi inogona kupararira kune dzimwe nyika muMiddle East izvo zvinozoita kuti mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari ukwire zvinopawo kuti mitengo yechikafu iwedzerwe.”

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha