Mabasa ekuvaka ari kuitwa munyika anonzi ave kukanganiswa nekuda kwekushaikwa kwe cement mune zvimwe zvitoro zvinotengesa zvekuvakisa, izvo zvinonzi zvakonzera kukwira kwemutengo.
Muzvitoro mainonzi iri kuwanikwa, cement inonzi iri kutengeswa nemitengo iri pakati pemadhora gumi nematatu kusvika kumadhora gumi nemasere patsaga remakirogiramu makumi mashanu, zvichienderana nenzvimbo.
Zvimwe zvitoro zvikuru zvakaita se Farm and City muHarare zvaudza Studio 7 kuti zvanga zvisisina cement uye havazivi kuti inowanikwa zvakare riinhi.
Asi vati kana iripo vanotengesa tsaga rimwechete nemadhora gumi netatu.
Mumwe ane chitoro chinotengesa zvekuvakisa ari panzvimbo yemabhizimusi yeMurehwa Centre, VaHonest Madzara, vanoti vatove nenguva vachisangana nedambudziko rekushaikwa kwe cement, vachiti dambudziko iri harikati ivo chete asi kuti vose vanoita mabasa ekuvaka.
Izvi zvatsinhirwa nemumwe mushandi weimwe kambani inoita zvekuvaka iri muHarare asina kuda kudomwa nezita, uyo audza Studio 7 kuti kudhura pamwe nekusawanikwa nyore kwecement kwadzosera shure mashandiro avo sezvo vave kushaya mabasa ekuvaka mumazuva ano.
Vachitaura vakazvimirira, vnoongora zvehupfumi vachishanda nesangano reCoalition for Market and Liberal Solutions (COMALISA), VaRejoice Ngwenya, vanoti kushaikwa kwe cement pamwe nekukwira mutengo kwayo mucherechedzo wemamiriro anenge akaita hupfumi hwenyika.
Saka dambudziko iri riri kukonzerwa neyi? Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano re Labour and Ecomic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, vanoti nyika ine zvirongwa zvakawandisa zvekuvaka izvo zviri kuita kuti pawanikwe dambudziko rakadai sezvo makambani ari kutadza kugutsa musika wawo.
Doctor Chitambara vanoti chimwe chiri kuwedzerwa kukwira kwemutengo wezvinhu munyika kusanganisira cement kusagadzikana kwedhora remunyika.
Munyika munonzi mune makambani mana chete ari kugadzira cement pari zvino anoti Pretoria Portland Cement Zimbabwe iri kuBulawayo, Circle Cement Limited muHarare, Sino-Zimbabwe Cement Company iri muGweru, neKhayah Cement, iyo yaimbozivikanwa seLafarge Cement Zimbabwe iri muHarare.
Studio 7 yakundikana kunzwa kubva kumakambani aya sezvo nhare dzavo dzanga dzisiri kudairwa.
Asi vane ruzivo nemashandiro ari kuita makambani anogadzira cement vanoti dambudziko rinogona kunge riri kukonzerwa nekumbovhara zvimwe zvikamu kunonzi kwakaitwa nemamwe emakambani achigadziridza michina yawo paine tarisiro yekuti angangovura zvakare muna Zvita wegore rino.
Kukwira kwemutengo wemafuta edzimotokari kunonzi nenyanzvi mune zvehupfumi chimwe chezvinhu zviri kuwedzera kukwira kwemutengo wecement munyika.
Vamwe vanotengesa cement iyi vanoti vakambenge vachiwana yaibva kuZambia asi mazuvano haichawanikwi nezvikonzero zvavasingazivi.
Your browser doesn’t support HTML5