Kambani ye Zimbabwe Energy Regulatory Authority (ZERA) yabvumidza Zimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company kuti iwedzera mutengo wemagetsi nezvikamu gumi nezvipfumbamwe kubva muzana kana kuti 19%.
Sachigaro we ZERA Doctor David Madzikanda mumashoko kuvatori venhau vanoti vatendera kuti mutengo wemagetsi uwedzerwe kuti veZESA vakwanise kuramba vachiwanisa vanhu magetsi sezvo vari kutenga mamwe kunze uye kuti vawane mari yekugadzira magwenya avo.
ZESA yakatoyambirawo kuti magetsi acharamba achidzimwa kwenguva yakati rebei sezvo iri kugadzirisa rimwe gwenya remagetsi rinoshandisa marasha kuHwange rinonzi Hwange Unit 7.
Nyanzvi munyaya dzezve hupfumi VaMasimba Kuchera vanoti kukwidzwa kwemitero kwemagetsi nekambani ye ZESA kuchaita kuti mitengo yezvinhu zvakawanda ikwire uye kuvharwa kwemamwe mabhizimisu arikutatarika parizvino.
VaKuchera vanoti zvinoshamisa kuti ZESA irikukwidza mitengo panguva apo vachangobva kuzivisa kuti mamwe magwenya emoto emunyika haasi kushanda zvakanaka uye vachange vachiwedzera kudzimwa kwemagetsi.
VaKuchera vanoti hurumende inofanirwa kuita nhaurirano nevemabhizimusi kuti vawane nzira dzekuti vasavhare mabhizimusi avo pamusoro pekukwira kunenge kwaita magetsi ayo anoshandiswa neve mabhizimusi vakawanda munyika.
"Zvakakosha kuti hurumende igare pasi nevemabhizimusi kuti vazeya pamusoro pekukwira kwemutengo wemagetsi panguva apo asiri kuwanikwa zvakakwana uye makambani mazhizhi ari kutatarika,"VaKuchera vaudza Studio7.
Your browser doesn’t support HTML5