Sangano reZimbabwe Diaspora Vote Initiative Rinonyorera kuSADC Pamusoro peNyaya yeKodzero dzeVana veZimbabwe dzeKuvhota Vari Kwavagere

  • Jonga Kandemiiri

Sachigaro weZimbabwe Diaspora Vote Initiative, Muzvare Rosewiter Mangiroza.

Sangano rinorwira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvikwanise kuvhota zviri munyika dzazvigere, reZimbabwe Diaspora Vote Initiatve, rakanyorera tsamba sachigaro veSADC Organ on Politics, Defense and Security Cooperation uye vari mutungamiri weZambia, VaHikainde Hichilema, richitenda chikwata cheSADC chakaongorora sarudzo dzakaitwa muna Nyamavhuvhu munyika, cheSADC Election Observer Mission, nekusimudza kwachakaita nyaya yekuti vari kunze vabvumidzwe kuvhota.

Mugwaro rachakaburitsa mushure mesarudzo, chikwata cheSADC ichi chakati kunyimwa kwekodzero dzekuvhota kuvana veZimbabwe vari kunze kwenyika chimwe chezvinhu zvakakanganisika muZimbabwe pasarudzo dzakaitwa musi wa 23 Nyamavhuvhu, 2023.

Sachigaro wesangano iri, Muzvare Rosewiter Mangiroza, avo vanogara kuAustralia, vanoti sesangano vakanga vaine tarisiro yekuti kodzero dzevana veZimbabwe vari kunze kwenyika dzichazadziswa kusarudzo dzegore rino idzi.

“Tanga tapedza nguva inoda kukwana gore tichiedza kukukurura nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nedare reparamende kuti vakoshesewo kodzero dzedu, kunyanya mushure mekunge mutungamiri wenyika President Mnangagwa, vavimbisa mugore ra2018 kuti vachishanda nesimba kuti isu tikwanisewo kuvhota nevamwe musarudzo dzapfuura idzo asi hatina akapindura,” vanodaro Muzvare Mangiroza.

Vanoti chiri kudiwa nesangano ravo kuti Zimbabwe iitewo sedzimwe nyika dziri mudunhu reSADC dzakaita seMozambique, Botswana neSouth Africa, idzo dzinobvumidza zvizvarwa zvadzo kuvhota zviri kunyika kwazvigere.

Kunyange hazvo vasati vave nemhinduro patsamba yavo iyi, Muzvare Mangiroza vanoti havasi kuti SADC imanikidze Zimbabwe kuti iise mutemo unobvumidza vari kunze kuti vavhote vari ikoko.

“Asi tiri kukumbira kuti SADC irambe ichikurudzira, kwete Zimbabwe chete, asi nyika dzese dzemuSADC, kuti vape zvizvarwa zvadzo zviri kunze kwenyika kodzero yazvo yekuvhota.

Sangano reZimbabwe Diaspora Vote Initiative rine nhengo dzinodarika mazana maviri pari zvino. Asi Muzvare Mangiroza vanoti vane hurongwa hwekuti sangano ravo ribatane nekushanda pamwe nemamwe masangano ane hurongwa sehwavo, hwekuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vavhote vari kwavagere.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Rosewiter Mangiroza