Bhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reIMF rinoti hupfumi hwenyika yeZimbabwe huchati derere pane zvaraimbenge rataura gore rapera uye riri kuyambirawo Reserve Bank of Zimbabwe kuti ikaramba ichidhinda mari kunyanyawo dziri kunzi dzinotsigirwa negoridhe zvichatopa kuti hupfumi hukurumidze kuenda kumawere.
Asi gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vange vachiti mari dzinotsigirwa negoridhe idzi dzinoshanda kudzikamisa dhora remunyika. IMF yakatumira chikwata chayo kuZimbabwe chakashanda kubva musi wa 18 kusvika 25 mwedzi uno.
Gore rapera, IMF yaimbenge yati iri kutarisira kuti hupfumi hukure nezvikamu zvina nezviga zvinomwe kana kuti 4,8%, asi inoti nekuda kwekuderera kwemitengo yezvicherwa uye kusanaya zvakanaka kwemvura, hupfumi hunogona kukwira nezvikamu zvitatu nezviga zvishanu kubva muzana kana kuti 3,5%.
Chikwata cheIMF ichi choinoti Zimbabwe iyo iri kuda kubatsirwa nebhanga iri kugadzisa hupfumi hwayo uye kutaura nevayakakwereta vairi kutadza kubhadhara inonzi inofanira kuvandudza mashandiro ayo kana ichida kuti izvi zviitike.
Chipangamazano mu Bhanga re RBZ Vari mukomiti inoona nezvekufambiswa kwe mari mu bhanga iri Va Persistence Gwanyanya vaudza Studio 7 kuti zvimwe zviri kukurudzirwa neIMF sezvekubhadharwa kwezvikwereti zveehurumende zvakatoendeswa kubazi rezve mari.
Imwewi nyanzvi munyaya dze zve hupfumi vari mukuru wekambani yeUnderhill Corporate Solutions Doctor Eddie Mahembe vati senyika ine chikwereti chakakura, Zimbabwe inofanira kudyidzana kuti irerutsirwe pakubhadhara.