Musangano wePagore weZanu PF Unotanga muGweru Vamwe Vatori veNhau, Kusanganisira veStudio 7, Vachinyimwa Mukana weKupinda

Musangano weZanu PF wepagore.

Musangano wepagore weZanu PF wechimakumi maviri, kana kuti 20th National People’s Conference, watanga muGweru nhasi vamwe vatapi venhau, kusanganisira veVOA Studio 7, vachinyimwa magwaro ekuti vakwanise kutapa nhau pamusangano uyu.

Vachitaura pamusangano uyu, mutungamiri weZanu PF, vari zvakare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati ivhu nekurima zvicharamba zviri musimboti wehupfumi hwenyika uye nzira yekuwedzera nayo budiriro mudzimba pamwe nekuwanisa nyika chikafu chinoikwanira.

VaMnangagwa vati hurumende yavo yakaunza chirongwa chePfumvudza icho vati chiri kubatsira zvakanyanya mukuwanisa nyika chikafu.

VaEmmerson Mnangagwa nemutewedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga.

Zvisineyi nekuti Studio 7 yaive yanyora tsamba yekukumbira kubvumidzwa kuita basa pamusangano uyu pamwe nekuti mushandi mukuru muhofisi yekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira, vaive vati vaona tsamba iyi, mazita evatapi venhau veStudio 7 ange asipo pane avo vakanzi vachakwanisa kutapa nhau pamusangano uyu, izvo zvaita kuti vatadze kupinda mumusangano uyu kuti vaite basa.

Asi VaMarapira vaudza Studio 7 kuti havasi kuziva kuti chii chakatora nzvimbo sezvo vasiri ivo vanozopasisa mazita.

Munyori mukuru wesngano reZimbabwe Union of Journalists, VaPerfect Hlongwane, vati kunyange hazvo musangano uyu uri wenhengo dzeZanu PF, bato iri ndiro riri kutonga munyika saka zvakakosha kuti ritungamire nemuenzaniso wakanaka wekubvumidza vatori venhau kuti vaite basa ravo, zvisineyi kuti vanobva mumba maani.

“Tinokudza chose kuti ivo sebato vakazvimirira vanogona kusarudza wavanenge vari kuda kuti anokwanisa kuuya asi chinopa kuti tive nenyunyuto huru ndechekuti pane rusarura rwuri kuitika…kune vamwe vatori venhau vabvumidzwa kuti vange vachipinda mumusangano webato reZanu PF uyu, kwoita vamwe vatori venhau vadziviswa kupinda mumusangano iwoyo. Izvozvo zvinotiratidza kuti pane rusarura, zvinove zvinhu zvatisingatarisiri kumusangano uri kutonga.”

Vamwe vevatapi venhau varambidzwawo kupinda mumusangano uyu vanosanganisira verimwe bepanhau remuGweru reMirror.

Mutori wenhau ,Tapfuma Machakaire.

Mutori wenhau mukuru uye inhengo yebhodhi resangano reVoluntary Media Council of Zimbabwe, Tapfuma Machakaire, atiwo zvinobuda pamusangano wakadai zvakakosha kuti zviziikanwe nekuti zvinobata veruzhinji sezvo Zanu PF riri iro bato riri kutonga.

“Musangano muhombe wakaita sezanu PF conference, musangano webato riri kutonga unopinza pfungwa dzinofamba nadzo hurumende, saka tinenge tichida kuti vatapivenhau vose vanokwanisa vange varipo, vachiona zvinhu pachena sematauriro avanoita kuti tinoda kuti by 2030, nyika ive yabudrira munyaya dzehupfumi. Saka chinozopa kuti vamwe varambidzwe kuita basa ravo rekutora nhau vamwe vachibvumidzwa chii?”

Machakaire atiwo kurambidza vamwe vatapi venhau kuti vaite basa ravo sezvaitika izvi kunokurudzira kupararira kwenhau dzisiri dzechokwadi.

“Ndizvo zvinoita kuti pave nefake news nekuti vanhu vakadzidzira basa rekutora nhau vanenge vachidzivirirwa kuita basa ravo zvinozopa mukana kune avo vasina kudzidzira basa iri kuti vaite speculation vachinyora zvavanoda vachibudisa nhau dzekunyepa.”

Mudzidzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvekudzivirira kupokana pamwe nebudiriro, VaArthur Chikerema, vatsinhirawo kuti vatapi venhau vanofanirwa kuita mabasa avo pasina kumbunyikidzwa kana kuvhiringidzwa.

Musangano weZanu PF kuGweru.

“Vatapi venhau vakakosha uye vanofanirwa kuregedzwa vachiita basa ravo sezvirimo mubumbiro remutemo wenyika. Veruzhinji kunyanya kumaruwa, vanowana nhau dzakakosha kubva kunhepfenyuro dzakaita seVOA iyoyi nekuti inobudisa chokwadi chizere pasina kuda kunatsurudza kana kuvanza zvimwe zvinenge zvichionekwa sezvisingafanirwe kubudiswa.”

Pave nenguva vemasangano anomirira vatapi venhau vachichema-chema nemaitiro emapato ezvematongerwo enyika kunyanya Zanu PF, ekurambidza vamwe vatori venhau kupinda mumisangano yawo.

Pamusangano wavakaita nevatapi venhau munguva pfupi yapfuura, mumwe wevakuru vakuru veZanu PF, VaObert Mpofu, vakati vanoshanda nevatori venhau vose zvisineyi kuti vanoshanda kupi, asi vamwe vanoti izvi kungotaura chete sezvo vamwe vatapi venhau vachisimbodzingwa pamisangano yebato iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Kudzanayi Musengi