Ndege dzehondo dzeIsrael dzabhomba mwena pamwe nedzimba zviri pasi pevhu zvanga zvichishandiswa neHamas kumaodzanyemba kweGaza. Hurumende yeAmerica yakatara Hamas sechikwata chematororo.
Vakuru vemauto eIsrael vazivisa nezvechiitiko ichi vachititi mauto atora danho iri senzira yekuparadza nayo mauto eHamas, iyo iri kutonga muGaza, zvichitevera kurwisa kwayakaita Israel masvondo matatu adarika.
Kurwiswa kwegaza uku kwaparadzawo mishina yekufambiswa kwemasaisai izvo zvinonzi zvadimura kutaudzana kwevagari vemuGaza vanofungidzirwa kuti vanosvika kumamiriyoni maviri nemazana matatu ezviuru, kana kuti 2.3 million, neveruzhinji rwepasi rino.
Israel yati ichabvumidza motokari dzakatakura chikafu, mvura nemishonga kupinda muGaza, ichiti ingangomisa kwenguva duku kurwisa kumuganhu neEgypt uko kuri kupinda nechikafu.
Mutauriri wezvekuchengetedzwa kwenyika kumuzinda weWhite Hous,e VaJohn Kirby, vati America inotsigira kumbomira kweIsrael kurwisa Gaza kuitira kubvumidza kuenda kwerubatsiro, mafuta edzimotokari nemagetsi kune vanhuwo zvavo senzira yekuedza kuti vanhu vanodarika mazana maviri vari muhutapwa hweHamas vaburitswe muGaza.
Nyanzvi munyaya dzekupiwa kwerubatsiro, uye vakambotungamira sangano re Christian Care, VaForbes Matonga, vanove mufundisi weUnited Methodist Church, vanoti vanoona sekuti kupinda kwaitwa neIsrael muGaza kuchakanganisa kusvika kwerubatsiro kuvanhu vari kutambudzwa nehondo iyi, kunyange hazvoIsareal yavimbisa kuti ichabvumidza kupinda kwerubatsiro.