South Africa yasimudza mukombe we2023 Rugby World Cup mushure mekurova New Zealand mushure mekunwisa zvibodzwa gumi nezviviri (12)1 New Zealand ichinwisa zvibodzwa gumi nechimwe (11).
Mutambo uyu watambirwa munhandare yeStade deFrance muParis kuFrance.
South Africa, iyo yanga iine mukombe uyu zvakare, yakapinda mufainari mushure mekurova England nezvibodzwa gumi nezvitanhatu (16), England ichinwisa zvibodzwa gumi nezvishanu (15)
New Zealand yakapindawo mufainari mushure mekuburitsa Argentina musemifainari.
Kukunda uku kwaita kuti maSpringboks ave chikwata chekutanga pasi rose kutora mukombe uyu kanokwana kuita kana (4), sezvo maAll Blacks nemaSpringboks vese vakanga vakatora mukombe uyu katatu katatu.
New Zealand yakatora mukombe uyu muna 1987, 2011 nemuna 2015, South Africa ndokuutorawo muna 1995, 2017 nemuna 2019.