Hurumende inoti ichabatsira varimi vanoshandisa mvura yemadiridziro nemari inosvika zvikamu makumi matatu nechimwe kubva muzana, kana kuti 31 percent, pamari yemutero wemvura yavachabhadhara yavachashandisa mumwaka uno wekurima.
Izvi zvataurwa negurukota rinoona nezvekurima, Doctor Anxious Masuka muHarare pamusangano wavaita nevatori venhau.
“Sekuziva kwamuri kuita kuti mwaka uno une mvura shoma, saka sehurumende tati tibatsire varimi vedu kuti vakwanise kuzokohwawo pakuru sekutarisira kwatiri kuita. Kudzikiswa kwemutengo wemvura kuchaita kuti kunyange nevanga vachiti havasi kukwanisa kurima mwaka uno, vawane pekutangira.”
VaMasuka vaenderera mberi vachiti chirongwa chehurumende chekuwanisa varimi mbeu chiri kuenderera mberi uye chakavandudzwa mwaka uno.
“Vanenge vapedza kuita makomba avo, vanobva vawana mbeu yavo nemafotereza. Gore rino richaita rekutanga kuti varimi vawaniswewo mishonga pachirongwa chePfumbvudza. Mishonga ichabatsira varimi kuti vasanyanya kunetseka pakusakura sora. Tine chivimbo chekuti mwaka uno tichakohwa pakuru nekuda kwezvirongwa zvatiri kuitira varimi.”
Mukuru werimwe sangano rinomirira varimi, reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakariya, vanoti hurumende yatora danho rakanaka, asi zvinodawo kuti varimi vashandise mvura yemadiridziro zvine hungwaru.
“Chandinoona chakanyanya kukosha mashandisirwo anoitwa mvura. Makore atava kurarama aya, mvura yekunaya iri kuramba ichiita shoma, naizvozvo mvura yese inowanika nevarimi inofanira kushandiswa nehuchenjeri. Ngatirimey,i tichishandisa mhando dzekurima dzechizvino-zvino dzinochengetedza mvura kana kuti climate proofing, tosiya zvekungoipfachura zvatajaira kuita, kunyange mumadiridziro imomu."
Asi mukuru wesangano rinomirira vakadzidza kurima kuzvikoro zvepamusoro-soro, reCoalition of Agricultural Graduates of Zimbabwe, VaDickson Kubvakacha, vati kunyange hurumende yatora danho iri, matambudziko ari kusangana nevarimi akawanda zvikuru.
“Tanga tichikumbira zvakanyanya kuti hurumende isatarise nyaya yemvura chete nekuti kune matambudziko akafanana nekudhura kuri kuita mbeu nemafotiriza, ari kusangana nevarimi. Kuchizotiwo kubhadhara vashandi, kutsvaga matarakita anouya kuzorima nekutenga dhiziri nezvimwe zvikwanisiro zvinodikanwa pakurima- matambudziko ari kusanganikwa navo nevarimi. Zvese izvi zvinosveta mari inenge yawanikwa nemurimi mumunda, iye osara asina chaainacho.”
Murimisi mukuru kukambani inotengesa mbeu, yeSeed-Co, Amai Wendy Madzura-Matashu, vati zvakakosha kuti varimi vashandise madiridziro mukurima kwavo.
“Varimi vanokurudzirwa kupinda muhurongwa hwemadiridziro zvisinei nekuti minda yavo yakakura zvakadini. Kunyange vari muhurongwa hwepfumbvudza, vanokwanisa kuita izvi.
"Kudiridzira kwakanakira kuti kana mvura ikamboenda kwenguva refu panguva yekunaya, kana kuti ikakurumidza kuenda, mbesa dzinowana mvura inozoita kuti dzisvike. Madiridziro anopawo varimi mukana wekurima gore rose, sezvo kurima riri bhizimusi. Varimi vane madiridziro vanokurudzirwa kutotanga kudyara, zvirimwa zvavo zvozobatana nemvura yemudenga kana ichinge yaturuka.”
Doctor Masuka vati kutaura kuno, minda yagadzirira kurimwa pasi pechirongwa chePfumvudza ava kuda kusvika mamiriyoni mana emahekita.
Bazi rinoongorora mamiriro ekunze rinoti Zimbabwe iri kutarisirwa kuwana mvura yakaringana ichienda kunoita shoma mumwaka uno wekurima.
Your browser doesn’t support HTML5