Dare reSenate remuAmerica riri kutarisirwa kunzwa chikumbiro chiri kubva kune mutungamiri wenyika iyi, VaJoe Biden, chehomwe yemari inosvika $106 billion yekushandisa kubatsira muhondo dziri kurwiwa muIsrael nemuUkraine.
Nhumwa dzinobva kuhofisi yaVaBiden dziri kutarisirwa kumira pamberi pekomiti inowona nezvemari muSenate kuti vazeya nezvechikumbiro ichi.
Kune rimwe divi mutungamiri weIsrael VaBenjamin Netanyahu havasati vatambira zvikumbiro zvekuti vagare pasi neHamas vataurirane pamusoro pekumisa hondo, iyo iri kuenderera mberi uye yavamuvhiki rechina.
Hurumende yeAmerica yakatara kuti chikwata cheHamas chikwata chematororo.
Bazi rezvehutano remuGaza, iro rinonzi riri kushanda neHamas, rinoti vanhu vashaya muhondo iyi vanoraudzira zviuru zvinomwe nemazana manomwe, (7 700). Israel inotiwo vanhu vashaya muhondo iyi munyika mayo vanoraudzira chiuru nemazana mana, (1 400).
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachidzidzisa pachikoro chepamusorosoro cheTshwane University of Technology muSouth Africa muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti zvakakosha kuti Israel ne Hamas zvitaurirane kuti pave nerunyararo.
"Tinotarisira kuti nyika yeIsrael nechikwata cheHamas zvitaurirane nechimbichimbi sezvo pacharamba pachideuka ropa rakawanda kana hondo iyi ikaramba ichienderera mberi pasina nhaurirano dzerunyararo," Muzvinafundo Mukonza vaudza Studio7.
"Hondo iyi handiwone hangu ichizokanganisa mamiriro ehupfumi munyika sehondo yekuUkraine nekuti semaziviro angu Zimbabwe inodyidzana zvayo neIsrael asi zvisina kunyanya, asi shuwiro yedu ndeyekuti pave nerunyararo , hondo iyi ipere uye rubatsiro rwechikafu nezvikwanisiro zviendeswe kunzvimbo kwazvinodiwa paine nguva uye kuti pasave nekurasikirwa kwehupenyu hwevanhu vasina mhaka munyika mbiri idzi," Muzvinafundo Mukonza vaenderera mberi vachidaro.
Your browser doesn’t support HTML5