Zvichitevera kuendeswa mberi kuMugovera kwemusangano wevatungamiri venyika dzemuSADC, rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Human Rights NGO Forum, rinoti iye vzvino yave nguva yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvizvimirire zvichirwira kodzero dzavo.
Vatungamiri venyika dzemuSADC vakatadza kupedza kuita musangano wavo wepadandemutande nemusi weChipiri, vachiti pane zvakange zvakanganisika pamichina yavaishandisa.
Musangano uyu unonzi wakamiswa nyaya yeZimbabwe isati yakurukurwa, asi mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vakaudza Studio 7 kuti nyaya yekupikiswa kwesarudzo dzakaitwa munyika muna Nyamavhuvhu yakanga isiri panyaya dzaikurukurwa mumusangano uyu, uye haisi kuzotaurwa nezvayo neMugovera kuLuanda, kuAngola.
Vachivhura musangano uyu, sachigaro wesangano reSADC uye varizve mutungamiri weAngola, VaJoão Lourenço, vakatanga nekukorokotedza vatungamiri veZimbabwe neEswatini pamusoro pesarudzo dzavanoti dzakaitwa zvakanaka uye murunyararo, vachiti vanotarisira kuti dzimwe nyika dzemuAfrica dzakatarisana nesarudzo dzichadzidza kubva kuZimbabwe neEswatini.
Vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaWilbert Mandinde, vanoti mashoko aVaLourenço anorwadza zvikuru, vachiti havanzwisisi kuti mashoko aya anoreveyi chaizvo, zvikuru pakatariswa zvakaitwa vanhu pamazuva sarudzo dzisati dzaitwa, zvavakaitwa pasarudzo uye zvavari kuitwa nanhasi wese idzo sarudzo dzapfuura.
VaMandinde vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanirwa kuzvimirira vachiti hazvibetseri kuvimba neSADC kana nevezvematongerwo enyika.
Your browser doesn’t support HTML5
Asi mutauriri webato guru rinopikisa, reCitizens Coalition For Change, VaPromise Mkwananzi, vanoti bato ravo rinovimba zvikuru nesangano reSADC, vachiti vanoziva kuti SADC ichagadzirisa dambudziko riri muZimbabwe.
Your browser doesn’t support HTML5