Nyika yeEgypt nhasi yavhura muganhu wayo neGaza weRafah ichibvumidza vanhu kuyambuka kekutanga kubva zvatanga hondo pakati peIsrael neHamas.
Hurumende yeAmerica yakatara kuti chikwata che Hamas ndechematororo.
Kuvhurwa kwemuganhu uku kwabvumidza zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvanga zvakavharirwa muGaza nekuda kwehondo iyi kuti zvibude zvichipinda muEgypt.
Zvimwe zvizvarwa zvePalestine zvange zvine mvumo yekuti zvibude muGaza zvichitiza hondo zvabvumidzwawo kupinda muEgypt.
Bazi rezvehutano remuGaza, iro rinonzi riri kushanda neHamas rinoti vanhu vashaya muhondo iyi vanodaudzira 7,700.
Israel inoti vanhu vashaya muhondo iyi munyika mavo vanodaudzira 1 400.
Mumwe anoongorora zvematongerwo enyika akazvimirira, VaCalvin Manduna, vanoti zvinofadza kuti muganhu uyu wavhurwa kuitira kuti vari kutiza hondo nevakakuvara vapinde, asi zvakakosha kuti pave nenhaurirano yerunyararo kuitira kuti hondo iyi ipere pasave nekurasikirwa kwehupenyu hweveruzhinji vasineyi nayo.
"Shuwiro yedu ndeyekuti pave nenhaurirano dzerunyararo pakati peIsrael neHamas kuitira kuti hondo iyi isapararire kune dzimwe nzvimbo uye kuitira kuti pasarambe pane kurasika kwehupenyu wevanhuwo zvavo vasineyi nehondo," VaManduna vaudza Studio7.
Your browser doesn’t support HTML5