Egypt Inovhura Muganhu weRafah kweZuva Repiri Zvapa Mukana Kune Vakakuvara neVekune Dzimwe Nyika Kubuda muGaza

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Journalists film as Palestinian health ministry ambulances cross the gate to enter the Rafah border crossing in the southern Gaza Strip before crossing into Egypt on November 1, 2023.

Muganhu weRafah, uyo uri pakati peEgypt neGaza wavhurwa neEgypt kwezuva repiri nhasi vakuru vevashandi vepamuganhu vemuPalestine vachizivisa kuti vanhu vanosvika mazana mana kana kuti 400 vekune dzimwe nyika vane magwaro ekufambisa vabuda muGaza vachipinda muEgypt.

Vazivisa zvakare kuti vanhu vakakuvara vari zvizvarwa zvemu Palestine vanosvika makumi matanhatu (60) vabvumidzwawo nhasi kupfuura pamuganhu weRafah vachipindawo muEgypt.

Bazi rezvehutano remuGaza, iro rinonzi riri kushanda neHamas, iyo inonzi nehurumende yeAmerica chikwata chematororo, rinoti vanhu vashaya muhondo iyi vanodarika zviuru zvinomwe nemazana manomwe, kana kuti 7,700. Israel inoti vanhu vashaya munyika iyi vanodarika chiuru nemazana mana, kana kuti 1 400.

Nyanzvi mune zvehupfumi uye vachidzidzisa paDeVry University kuOhio, muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvakakosha kuti hondo iyi isvike kumagumo sezvo kuenderera kwayo mberi kuchizogona kukanganisa hupfumi hwenyika dzakawanda kusanganisira Zimbabwe.

Vanoti kana Israel neHamas zvikatadza kutaurirana kuti pave nerunyararo dzimwe nyika dziri muMiddle East, idzo dzinodyidzana neZimbabwe, dzinogona kupindira muhondo iyi zvichaita kuti mitengo yezvinhu ikwire.

"Zvakakosha kuti mativi maviri ari kurwisana aya agare pasi azeye nyaya yerunyararo sezvo kuenderera mberi kwehondo iyi kuchakonzera kuti dzimwe nyika dzinodyidzana neZimbabwe dziri muMiddle East dzikwidze mitengo yemafuta nezvekudya," VaMasocha vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha