Hurumende Inovimbisa Kushandura Mashandiro eVakoti Kuti Vasatiza muNyika

Vadzidzi vepaSally Mugabe Hospital muHarare vapedza zvidzidzo zvavo.

Hurumende yavimbisa kushandura hupenyu hwaanamukoti kuburikidza nekuvandudza nzvimbo dzavanoshandira, uyewo kuvawanisa mihoro inotenga izvo zvayati zvingaita kuti anamukoti ava vasatize munyika yavo vachinotsvaga mafuro manyoro kunze kwenyika.

Vachitaura pachiitiko chekupedza zvidzidzo kwavanamukoti zana nemakumi matatu nevanomwe paSally Mugabe, gurukota rezvehutano, VaDouglas Mombeshora, vati basa rinobatwa navanamukoti rakakosha zvikuru, naizvozvo vanofanirwa kuwana miripo inoenderana nebasa ravo.

Vaenderera mberi vachiti hurumende iri kuziva zvinetso zvose zviri kusanganikwa nazvo naana mukoti nezvipatara zvemunyika, izvo zvavati zviri kugadziriswa.

Vamwe vevakoti vapedza zvidzidzo.

Vakurudzira vanamukoti vapiwa zvitupa zvekupedza dzidzo ava kuti vanoita basa ravo nemazvo, vasinganyanyi kutarisa zvipingaidzo zvavachasangana nazvo..

Munyori mubazi rezvehutano, VaAspect Maunganidze, vaudza Studio 7 parutivi pechiitiko ichi kuti hurumende ichazadzisa zvose zvavimbiswa negurukota rezvehutano.

“Hurumende inorwadziwa kuti vanhu vainenge yadzidzisa vaende kuzonoshandira dzimwe nyika, naizvozvo nehurongwa huri kuiswa, tinovimba kuti huchaita kuti vana mukoti vedu vasanyanya kuenda kunze kwenyika. Nyika inoda hunyanzvi hwavo.”

Asi vaimbova gurukota rezvehutano munguva yehurumende yemubatanidzwa, VaHenry Madzorera, vanoti muromo wagara hauzarirwi nerwizi.

“Ini handioni hurumende ichikwanisa kuzadzisa zvayavimbisa nekuti matambudziko ari munyika arikubva panyaya yehupfumi hwenyika husiri kuita zvakanaka. Saka zvehupfumi hwenyika zvikasagadziriswa, zvataura gurukota rezvehutano hazvikwanisi kuzadzisika. Munyika mune hurombo hwakanyanya.”

Vanamukoti muZimbabwe vari kutambira mari inosvika madhora mazana maviri nemakumi mashanu ekuAmerica, US$250.00 pamwechete nemamiriyoni maviri emadhora emunyika kana kuti ZWL$2million pamwedzi iyo yavanoti ishoma zvakanyanya.

Vakoti vaSally Mugabe Hospital muHarare.

Mari shoma iyi, uyewo kushaiswa zvikwanisiro zvebasa, zvinonzi ndizvo zviri kuita kuti vakoti vanenge vapedza zvidzidzo zvavo vabude munyika nehuwandu, vachinotsvaga mafuro manyoro kunze.

Asi mumwewo awana chitupa chekuva mukoti, VaBlessing Gatsi, vanoti havana tarisiro yekunotsvaga basa kunze kwenyika.

“Ini ndinofunga kuti tinofanira kushandira nyika yedu tiri muno. Kana tikapera tese kuenda kunze kwenyika, kunyanya isu vana mukoti, ndiani anozosara achirapa vanosara. Ndinotenda kuti ndichashandira muno, ndichiitawo chikamu changu chekubatsira nyika yedu.”

Mumwe mudzimai wechidiki apiwa chitupa chekupedza zvidzidzo zvekuva mukoti azere, MuzvareThelma Mucharima, vati kunyange vanamukoti vachinzi vanombobata vanhu nekuseri kweruoko, iye achaita mukoti wevanhu.

“Ichokwadi kuti vanhu vanotaura vachidaro pamusoro paana mukoti, asi ini ndakazvimirira, ndinovimbisa kuti ndichaita mukoti wevanhu. Ndakapinda basa iri nechido chaicho, saka ndinovimba kuti ndicharishanda semadanirwo andakaitwa.”

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira vanamukoti re Zimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo, vati nhunha dzaanamukoti dzikagadziriswa zvinodzikisa huwandu hwevarapi ava vari kutiza munyika.

Vakoti.

“Nyaya iripo ndeyekuti panoda kutaurirana nekushandira pamwechete. Nyaya mbiri dzandinoona dzinoda kugadziriswa dzinoti muhoro, uyo unoda kuwedzerwa, koti zvikwanisiro zvakaringana muzvipatara zvavanoshandira. Gurukota idzva rezvehutano riri kuratidza kuti harihwandi nemunwe, asi vanotaura chokwadi chiripo. Ngatibatanei tishande tese zvakanaka, tisarasikirwe naana mukoti.”

Komisheni inoona nezvenyaya dzehutano, yeHealth Services Commission, yakabuditsa gwaro rairatidza kuti gore rapera, nyika yakarasikirwa naanamukoti vanosvika chiuru chimwe chine mazana manomwe vakabuda vachienda kunyika dzakaita seUnited Kingdom, America, Canada neAustralia.

Asiwo hurumende iri kutsoropodzwa nevamwe vanamukoti ichipomerwa mhosva yekunonoka kuvapa magwaro anoratidza kuti vakadzidzira basa anodiwa kana munhu achitsvaga basa kunze kwenyika.

Hurumende inonzi yakatora danho rekusapa vakoti magwaro aya senzira yekuti vambotanga vashandira nyika yavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Tobias Mudzingwa