Israel neHamas Vokurudzirwa Kuremekedza Zvisungo Zvinochengetedza Varwere Uye Kuti Vataurirane Kuti Vamise Hondo

  • Jonga Kandemiiri
Vanhu vechiParasitina varichiona amburenzi yakaparadzwa muGaza Strip.

Vanhu vechiParasitina varichiona amburenzi yakaparadzwa muGaza Strip.

Apo hondo pakati peIsrael neHamas iri kuenderera mberi, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaAntony Blinken vasangana nevatungamiri venyika vemudunhu reMiddle East muJordan.

VaBlinken vakashanyira Israel neChishanu umo vakasangana nevatungamiri vehurumende yeIsrael.

Nechishanu mauto emuchadenga eIsrael ari kurwisa muGaza anonzi akabhomba motokari inotakura varwere, kana kuti aburenzi, inonzi yaishandiswa kuburitsa vakakuvara kumaodzanyemba kweGaza.

Hurumende yeAmerica yakatara Hamas sechikwata chematororo.

Kurwiswa kweamburenzi iyi kunonzi nebazi rezvehutano muGaza, iyo iri pasi peHamas, kwakasiya vanhu gumi nevashanu vafa, vamwe makumi matanhatu vakakuvadzwa.

Asi mauto eIsrael akati motokari inotakura varwere yaakarova iyi akaiziva seyaishandiswa nechikwata cheHamas kutakurisa zvombo nemauto.

Chikwata ichi chiri kupomerwa zvakare nemauto eIsrael mhosva yekushandisa chipatara che al-Shifa sekamba yacho, asi Hamas yakaramba mashoko aya.

Mukuru weWorld Health Organisation, VaTedros Adhanom Ghebreyesus, vakati mumashoko avo padandemutande, vakashamiswa zvikuru kunzwa kuti kune kurwiswa kwemotokari dziri kushandiswa kuburitsa varwere nevakakuvara kubva muGaza.

Mukuru wesangano reProgressive Health Partners International vachiongorora nyaya dzezvehutano, VaFrenk Guni, vanoti kana chiitiko ichi chiri chechokwadi vakazviita vanenge vakatyora chisungo chepasi rose cheGeneva Convention, chekuti motokari dzinenge dzakatakura varwere hadzirwiswi, kunyange dai varwere vacho vari mauto kana matororo.

VaGuni vanotiwo kana Hamas iri kushandisawo motokari idzi kutakura zvombo nemauto ayo iri kutyorawo chisungo ichi uye kuisa varwere munjodzi yekurwiswa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFrenk Guni