Sarudzo dzeGutu West By-Election Dzinoitwa Zanu PF Ichipomerwa Mhosva yeKutyisidzira Vavhoti

  • Jonga Kandemiiri

By-election polling station

Sarudzo yekutsvaga achamirira Gutu West mudare reNational Assembly yaitwa nhasi paine nyunyuto dzekutyisidzirwa kwevanhu kwemhando yepamusoro nevatsigiri veZanu PF, avo vanonzi vanga vachitenderera nemotokari dzakawanda kwazvo munzvimbo dzekuvhotera.

Vanhu vabuda kunovhota vanonziwo vanga vari vashoma kana zvichienzaniswa nesarudzo dzakaitwa muna Nyamavhuvhu.

Nhengo yebato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change, VaAmos Chibaya, vanoti vanga vachimirira bato ravo munzvimbo dzekuvhotera dzakawanda vatandaniswa nenhengo dzeZanu PF izvo zvazoita kuti bato ravo risave nevanga vachiona mafambiro anga achiita sarudzo idzi.

Munzvimbo dzakawanda dzekuvhotera, nhengo dzebato reZanu PF pamwe nenhengo dzesangano reFAZ vanonzi vanga vakagarira pedyo uye vanonzi vanga vachinyora mazita evanhu vasati vavhota nekunge vavhota.

Vanhu vane chitsama munzvimbo dzekuvhotera dzakasiyanasiyana vanonziwo vanga vachishaya mazita avo mugwaro revavhoti, kana kuti voters’ roll.

Vanhu vanga vachibatsirwawo kuvhota vachinzi havagone kunyora vanonziwo vanga vakawanda.

Asi mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, varamba mashoko ekuti nhengo dzavo dzanga dzchitenderera nemotokari dzanga dzichityisidzira vanhu, vachiti bato ravo ranga richingozvishambadza.

Sarudzo idzi dzine vanhu vana vari kutatsurana vanoti VaJohn Paradza veZanu PF, VaEphraim Morudu veCCC, VaRobson Kurwa veNCA, pamwe naVaMartin Mudzingwa vakazvimiririra.

Hatisati taziva kuti Zvichabuda musarudzo idzi zvichatanga kuziviswa riinhi.

Tatadzawo kubata mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo, pamwe naVaMudzingwa kuti tinzwe kuti sarudzo idzi dzafamba sei.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAmos Chibaya

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFarai Marapira