Muzinda wePalestine muZimbabwe nhasi wabatana nemapoka ari pasi pesangano reshamwari dze Palestine, reFriends of Palestine, mukuratidzira kwaitika muHarare vachiratidza kutsutsumwa kwavo pamusoro pehondo iri pakati peIsrael ne Hamas, iyo yavanoti yakonzera kuurayiwa kwezviuru zvezvizvarwa zvePalestine.
Mumiririri wePalestine muZimbabwe, VaTamer Almassri, vatura mashoko pakutanga kwekuratidzira uku panzvimbo yemabhizimusi yeBond Shopping Centre mumusha weMt. Pleasant.
Asi mumiriri weIsrael muZimbabwe, Amai Ofrah Farhi, vati vanhu ngavasakanganwe kuti paive nechibvumirano chekumisa kurwisana chakaputswa neHamas musi wa 07 Gumiguru chakakonzera hondo iyi.
Ambassador Tamer Almassri havana kukwanisa kupinda mumigwagwa kuti varatidzire sezvo vachirambidzwa kuita izvi nechibvumirano che Vienna Convention. Mumashoko avo pachiitiko ichi, vashora Israel pamusoro pehondo iyi, vachipomera America mhosva yekutsigira kusagadzikana uku.
"Hapana achakwanisa kumisa hondo iyi nekuti America inoda kuti tirambe tichishungurudzwa negakava iri. VaJoe Biden naVaAntony Blinken vatowana basa idzva rekuva vatauriri veIsrael vachitsigira gakava iri," VaAlmassri vanotsanangura kushungurudzika kwavo.
Asi mumiriri weIsrael muZimbabwe, Botswana neZambia, Amai Ofrah Farhi, varamba mashoko aya pavataura neStudio 7 vachiti vanhu vasakanganwa kuti Hamas ndiyo yakatanga hondo iyi musi wa07 Gumiguru, nekudaro vanoratidzira vanofanirwa kukurudzira Hamas kuti irege mabasa ayo avati akaipa zvikuru.
Vatiwo zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanirwa kuratidzira zvichinyunyuta nekufa kwezvizvarwa zvePalestine neIsrael uye chinangwa ngachive chimwechete chekupedza hondo iyi.
"Zvizvarwa zve Zimbabwe zvinofanirwa kuratidzira zvichitsutsumwa pamusoro pemhirizhonga irikukonzerwa ne Hamas mu Gaza. Ndinovakurudzira kuti vatoratidzira nedonzvo rimwechete rekupedza gakava iri kwete kutora divi rimwe chete," Amai Farhi vaudza Studio 7.
Amai Hajar Makwinja, vanotungamira sangano remadzimai echi Islam, re Fatima Zahra Women's Organization, avo vanotsigira Palestine, vanoti kuratidzira uku utori munamato mukuru uchasunungura zvizvarwa zve Palestine.
Asi Reverand Wyson Dutch, vanoshanda nekereke ye United Evangelical Church vari kudivi reIsrael muhondo iyi vaudza Studio 7 kuti hondo iyi haipedzwi nekufora mumigwagwa yemuHarare, asi kuti senyaya dzechitendero, dzinofanirwa kugadziriswa nekutaurirana.
Mutungamiri webato rinopikisa reLabor, Economists and African Democrats, kana kuti LEAD, Muzvare Linda Masarira, vapindawo mukuratidzira uku vachiti seshamwari dzePalestine vanorwadziwa zvikuru nekushungurudzwa kuri kuitwa zvizvarwa zvePalestine muhondo iyi.
"Taungana pano kuzoratidza kutsutsmwa kwedu nekushungurudzwa kwezvizvarwa zve Palestine neIsrael" muzvare Linda Masarira vanotsanangura.
Vachitaurawo neStudio 7, mutauririri weZANU PF vari zvekare gurukota mubazi rinoona nezvevarwi vehondo yerusununguko VaMutsvagwa, vati seZanu PF vanokurudzira Isreal kuti ikande zvombo pasi, vachishorawo America vachiti ndiyo iri kukonzera kusagadzikana muGaza.
"Huwori hunouraya hurikuitwa neIsrael uye tirikuti kuAmerica vanotonga kuAmerica tererai zvirikutaurwa kunyangwe nezvizvarwa zvenyu zvikuru vana vadiki varikutenderera mu New York neku London vachiratidzira kuti America imire kutsigira Israel" mashoko a Va Mutsvangwa.
Studio 7 yakundikana kunzwa divi reAmerica panyaya iyi, sezvo takundikana kubata vemuzinda weAmerica muZimbabwe.
Zvichakadaro, sangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, iro rakamboronga kuratidzira mwedzi wapfuura richitsigira Palestine, nhasi raburitsa mashoko richiti rabuda mukuratidzira kwanhasi richityira kuti nhengo dzaro dzaizosungwa. Studio 7 yataura nemutungamiri wesangano iri, VaObert Masaraure, avo vatsinhira izvi.
Pari zvino, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuSaudi Arabia, uko vari kupinda musangano nevamwe vatungamiriri vachizeyawo nyaya yehondo yeIsrael neHamas. Kurwisana uku kwakatanga musi waGumiguru 7 uye kusvika nhasi vanhu vanodarika zviuru gumi vanonzi vafa muGaza, kuchitiwo vanodarika chiuru nemazana mana vachifa mu Israel.
Israel yakazivisa kuti ichange ichimbomira kurwisa Gaza kwemaawa mana zuva regarega kuitira kubvumidza rubatsiro kuti rwukwanise kupinda mudunhu iri.
Your browser doesn’t support HTML5