Vagari veMumaruwa Akawanda Vochema-chema Kuti Vari Kutorerwa Mombe Dzavo naVanatsikamutanda

Vanatsikamutanda vanonzi vari kumanikidza vagari kubhadhara nemombe.

Vamwe vagari munyika vari kuchemachema kuti vari kutorerwa zvipfuwo zvavo nemari nevanhu vari kupinda mumisha yavo vachiti vari kuuya kuzobatsira kuchenesa misha kuburikidza nekubata varoyi nekubata zvikwambo, vanonyanya kuzivikanwa savanatsikamutanda.

Vana tsikamutanda ava vanonzi vanoshandisa mashiripiti kuona nekubvisa zvinhu zvinonzi zvinoshandiswa nevaroyi pamwe nevanoshandisa mishonga yechivanhu kukuvadza vamwe.

Asi mukugumisira, vagari ndivo vanosara nematope mumaoko sezvo vanatsikamutanda ava vachienda nepfuma yavo, kazhinji kacho vachisiya vanhu vasisawirane.

Vamwe vagari vakarumwa nechekuchera vagari vekwaBandawe neTyrone kuMhondoro-Ngezi mudunhu reMashonaland West.

Vagari ava vanonzi vakashevedza mumwe tsikamutanda mushure mekunge vati vari kusangana nezvinhu zvisinganzwisisike zvakaita semhuka nenyoka, uye hurwere pamwe nekufirwa zvisina tsarukano.

Mumwe mukuru munzvimbo iyi, VaWitness Chimanda, vanobvuma kuti vagari ndivo vakashevedza tsikamutanda kuti atsvage chikonzero.

“Vagari tisu takakoka tsikamutanda mushure mekunge paita matambudziko mubhuku medu” VaChimanda vanotsanangura

VaChimanda vanoti vakazopesana natsikamutanda uyu mushure mekunge ave kubhadharisa vanhu mombe achiti ave kuchenesa misha yevanhu uye ainge otyora chibvumirano ave kusiya kutarisa dzimwe dzimba.

“Asi pakazoita dambudziko natsikamutanda uyu apo akatanga kubhadharisa vagari zvipfuwo zvakaita semombe uye anga ave kusapinda munedzimwe dzimba” VaChimanda vanoenderera mberi

Tsikamutanda uyu, uyo anonzi akabva kuChiweshe, akazonomhan’arirwa kumapurisa ndokuzobuda munzvimbo iyi oyenda kuTyrone muMhondoro makare.

Ave kuTyrone anonzi akatanga kumanikidza vanhu kuvachenesera misha yavo achiti abva nekwaMambo Ngezi asi dzimwe mhuri dzinonzi dzakaramba.

Mumwe akatorerwa chigayo chake mushure mukunge anzi acheneserwa musha wake akanomhan’ara kumapurisa ndiVaSimon Simudzamoyo.

VaSimudzamoyo vanoti vanhu vakawanda havana kunomhan’ara nekuti zvinoda mari yekufambisa kuenda kumapurisa ayo ari kuChegutu pamwe neyekuzoenda kumatare kana nyaya yacho yave kutongwa.

VaThomas Gejo vanoti tsikamutanda uyu anoshanda nevamwe vagari vanenge vachimuudza misha yevanhu vavanoona sekunge vanowana kuvadarika iye oenda kumusha iyi achiti abata zvinhu achizovabhadharisa mari dzakawanda kana kutora pfuma yavo kusanganisira zvipfuwo.

“Chave kuitika ndechekuti tsikamutanda uyu ave kufamba nevamwe vagari vari kumuudza kuti munhu akapfuma zvakadii kuti azoda zvakawanda kana amushandira” VaGejo vanotsanangura

Mambo Ngezi vedunhu reMhondoro-Ngezi, VaPeter Pasipamire uko kwakadanwa tsikamutanda uyu, vanoti havabvumire vanhu vakadai kushandira munzvimbo yavo sezvo vachisiya vanhu vasisawirirane uye mhuri dzapesana.

“Ini munzvimbo yangu handidi vanatsikamutanda sezvo vachisiya vanhu vasisawirirane mhuri dzavengana”Mambo Ngezi vanotsanangura

Mambo Ngezi vanoti pavakabvunzwa nemapurisa nezvatsikamutanda uyu vakakurudzira mapurisa kuti vamusunge asi mapurisa haana matanho aakatora ekuti amusunge.

Asi mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Inspector Ian Kohwera, vati havasi kuziva nezvenyaya iyi, kunyange hazvo vagary vachiti nyaya iyi yatekeshera muMhondoro.

Vana tsikamutanda vari kunetsawo kunzvimbo dzakawanda dzinosanganisira matunhu eMatabeleland, Mashonaland Central, Mashonaland East, Manicaland neMasvingo.

Mambo Zimunya vekuManicaland vanoti vakasungisa mumwe tsikamutanda akanga atorera vanhu vavo mombe dzavo.

Mambo Zimunya vanoti zviri kuitwa nanatsikamutanda izvi hazvisi zvekurapa asi zvebhizinisi vachishandisa masaramusi.

“Vana tsikamutanda havachayamura vanhu asi vave kuita zvebhizinisi zvekutsvaka mari kubva kuvagari nekuita mashiripiti” Mambo Zimunya vanopa pfungwa dzavo

Izvi zvinotsigirwa naMambo Katizagombo vekwaZvimba kuMashonaland West, VaGibson Jenami, vachiti madzimambo anoshanda nen’anga nemasvikiro emunzvimbo kwete vanatsikamutanda vemashiripiti.

“Madzishe anoshanda nen’anga namasvikiro kwete vanatsikamutanda vave kuita zvekubira vanhu pfuma yavo” Mambo Katizagombo vanotsanangura

Mambo Katizagombo vanoti dambudziko ravari kuita nderekuti vamwe vagari ndivo vanonokoka vanatsikamutanda vachivaunza munzvimbo madzimambo kana masabhuku asingazvizive.

Mutevedzeri wemutungamiri wemadzimambo emunyika, VaFortune Charumbira, vedunhu reMasvingo, vanoti vanatsikamutanda havarapi sezvo kusina n’anga inofambira murwere.

“Vana tsikamutanda matsotsi nekuti hapana n’anga inofambira murwere sezviri kuitika” VaCharumbira vanotsanangura.

Nhengo yeZINATHA, Sekuru Prince Mutandi Sibanda.


Nhengo yebhodhi resangano ravanachiremba vechivanhu, reZinatha, VaPrince Mutandi kana kuti Sekuru Sibanda vanoti vanatsikamutanda vave nechitsotsi zvekuti havachashandidzana navo zvakanaka.

VaMutandi vanoti vanatsikamutanda vakare vaifambira mhuri imwechete uye vasingade pfuma dzevanhu.

“Vanatsikamutanda vanhasi nevakare vakatosiyana sezvo vakare vaifambira mhuri imwechete uye vainge vasingade mari yakawanda”VaMutandi vanozivisa

Mumwe anoti anochenesa misha yevanhu ada kuzivikanwa nezita rekuti Sekuru Mazvimbakupa vanoti vanototsvagwa nevanhu vane matambudziko uye vanhu ndivo vanovatenda nezvipo zvinosanganisira mari nezvipfuwo kana zvimwewo zvinokosha.

Asi kunyange hazvo ruzhinji rwuri kunyunyuta, kune vamwe vakaita semumwe mugari wekuMhondoro, VaStewart Mukarakate, vanoti vanofarira basa ranatsikamutanda, vachiti vakabvisa nyoka nemazizi zvinonzi zvinoshandiswa nevaroyi mudzimba dzevamwe vagari izvo vanoti zvakambounza kugadzikana mubhuku ravo.

“Ini ndinofunga kuti vanatsikamutanda vakanaka sezvo vakabvisa nyoka nemazizi muhozi dzevaroyi munzvimbo yedu zvakatipa rugare” VaMukarekate vanotsanangura

Ko vedzisvondo vanoti chiiwo??

Madzibaba Benson vanoporofita kukereke yemweya yekwa Johanne Masowe vanoti zvemashiripiti zvinoitwa nanatsikamutanda kana zvemasvikiro ndezvemweya yetsvina zvinowana simba kubva kumakomba erima.

Hatina kunzwa divi remapurisa kuti zviri kuita anatsikamutanda zvinobvumirwa here pamutemo sezvo mutauriri wemapurisa munyika yose Assistant Commissioner Paul Nyathi vanga vasisabatike pambozhanhare yavo kunyange vanga vambovimbisa kutitumira mhinduro padandemutande ravo reWhatsApp.

Asi muna Zvita 2016, chikwata chemapurisa chakatumirwa mumatunhu makuru ose emunyika ari gumi senzira yekudzivirira anatsikamutanda kuti vasarambe vachibira vanhu vachivanyepera kuti vari kuvashandira. Izvi zvinonzi zvakambounza kugadzikana kushoma.

Madzimambo, vanamudviti pamwe nemapurisa vanonzi havana mvumo yekupa anatsikamutanda ava tsamba dzekuti vashandire chero mune nzvimbo ipi zvayo.

Veruzhinji vakakurudzirwawo nemapurisa munguva iyi kuti ikodzero yavo yekuramba kushandirwa navatsikamutanda ava pasina anovamanikidza.

Pasi pamutemo we Witchcraft Suppression Act, imhosva kuita zvehuroyi, kupumha munhu huroyi, kutsvaga varoyi kana kuita zvinhu zvinoita kuti munhu adome muroyi.