Mutambo wegore rino weZimbabwe International Film Festival watanga muHarare uchitarisirwa kupindwa nenyanzvi mukubikwa kwemitambo yemafirimu, vatambi pamwe nevemasangano anotsigira chikamu ichi.
Vanotungamira sangano riri kuronga mutambo uyu re Zimbabwe International Film Festival Trust, Va Solomon Maramba, vanotsanangura mafambiro emutambo uyu vachiti vatambi vachapiwa mikana yekuzeya nyaya dzakasiyanasiyana.
"Saka tirikuratidza mafirimu anoenderana nedingindira iri pamwe nekuunganidza ma fimmakers nema creatives kuti vakurukure nyaya dzavo dzakasiyanasiyana" Va Solomon Maramba vanotsanangura.
Mumwe mutambi wechidzimai, Ratidzo Eunice Tava, anoti chirongwa cheZIFFT chakabatsira vakawanda kubva zvachakavambwa
"Zimbabwe International Film Festival yakandikoshera zvakanyanya nekuti iplatform inoita kuti tisangane nevamwe mu industry medu nevanobva kunyika dzakasiyanasiyana" mashoko emutambi Ratidzo Eunice Tava.
Sachigaro wezvidzidzo zvemitambo paUniversity of Zimbabwe Dr Ngonidzashe Muwonwa vanoti zvirongwa zvakadai zvinobatsira vanoita zvemitambo munyika.
"Patinosangana pamikana yakadai seZIFFT tinoona tichisangana nekuzeya zvakawanda nekubatsirana kuti tienderere mberi nemabasa edu" Doctor Muwonwa vanotsanangura.
Vachitaura neStudio 7, vanoongorora nezvemitambo vachitungamira sangano reZimbabwe Female Arts Practitioners Platform, Muzvare Angeline Dimingo, vati uyu mukana mukuru uchasimudzira ramangwana rechikamu chezvemafirimu munyika.
"Chirongwa chakanaka nekuti tikatarisa makore apfuura chaibatsira vatambi zvikuru nekuti ma filmmakers ekune dzimwe nyika vaiuya munyika vachikurukura nevatambi vemuno" Muzvare Angeline Dimingo vanotsinhira kunaka kwechirongwa ichi.
Mutambi arikukokera chirongwa ichi gore rino Daves Guzha ari kukurudzira vatambi munyika kuti vatore mukana uyu kuvandudza mabasa avo.
Mutambo uyu uchapa mikana kune vechidiki vemafirimu vakasiyana siyana munyika kuti vashambadze zvigadzirwa zvavo kusvika musi wa 18 Mbudzi. Vanoita zvemitambo vachapiwawo mikana yekuzeya zvakasiyanasiyana kuburikidza nezvirongwa zvakasiyana siyana kana kuti ma workshops.
Chirongwa ichi chiri kuitwa pasi pedingindira rinonzi Aspiration 5-Restoring and Preserving Africa's Cultural Heritage Through Film, iro rinove rimwe redonzvo rechikamu chezvemitambo kusangano reAfrican Union.
Chirongwa cheZimbabwe International Film Festival chakavambwa mugore ra 1998 nedonzvo rekupa mikana kune vanoita zvemitambo yemafirimu kuti vashambadze zvigadzirwa zvavo pamwe nekugoverana mazano akasiyanasiyana.
Your browser doesn’t support HTML5