Chikwata cheNyika, chemaWarriors, Chinoita Mangange neRwanda muMutambo weKutanga weFIFA 2026 World Cup Qualifiers

  • Michael Kariati

Zimbabwe Warriors

Chikwata chenhabvu chenyika, che Zimbabwe Warriors, nhasi masikati chatora poindi imwechete mumutambo wacho wekutanga wemunzira yacho ye2026 FIFA World Cup Qualifiers mushure mekuita mangange neRwanda.

Chikwata ichi chaita mangange 0-0 neRwanda muHuye Stadium muguta reButare, ndokutora poindi imwechete murwendo rwacho rwe 2026 World Cup urwu.

Chiri kurwadza ndechekuti mutambo uyu ndiwo mumwe wemitambo iyo Zimbabwe yanga ichitarisirwa kutora mapoinzi ese matatu akakosha yakatarisana nemitambo inotyisa neNigeria neSouth Africa.

South Africa

MaWarriors awana mikana yakawandisa yekukwanisa kukunda asi Terence Dzvukamanja, Prince Dube naGerald Takwara vatadza kushandisa mikana yose yawira kwavari.

Mutsigiri weDynamos, VaAmos Mpindu, vanoti mitambo yakadai haidi kutambisa mikana zvakadai vachiti vane chivimbo kuti dambudziko iri richagadziriswa.

“Bhora haridi kutambisa mikana yakawandisa kudaro. Mukana wamunowana munofanira kuishandisa kwete kurasa akawanda kudaro. Mangange anga asingaite kwatiri nemikana yese iyo,” vadaro VaMupindu.

Aka ndiko kekutanga zvikwata zviviri izvi zvichiita mangange mushure mekunge Zimbabwe yakakunda 2-0 ne 3-1 mumitambo miviri apo zvikwata izvi zvakasangana muna 2005.

Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association Member, VaAdomsko Mukwasi.

Asi nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaAdamski Mukwasi, vanoti poindi kunze kwemusha yakakosha vachitarisa ivo kuti Zimbabwe yakapedzisira kare kare kutamba nevekune dzimwe nyika.

“Tichangobva muzororo yekudzingwa kwataive taitwa. Matambiro ataita anakidza zvikuru. Tanga tisina kurongeka mumba medu. Saka tinenge tagona nepoindi yatawana iyoyo,” vadaro VaMukwasi.

Mutambo uyu wasangana nekushaika kweaimbove mubati wepagedhe wechikwata chimwechetecho chemaWarriors, George Chigove, uyo ashaikira muSouth Africa nhasi nechirwere chemoyo.

Mashoko abva kunyika iyi ati Chigova, uyo aimbotambira Dynamos, ashaikira mumba mushure mekungodonhera pasi nhasi mangwanani.

Mutambo wanhasi weZimbabwe uyu ndiwo wanga uri wekutanga pamakore maviri apfuura ichitamba sechikwata zvichitevera kudzingwa kwenyika munhabvu yepasi rese neFIFA nemhaka yekupindira kwehurumende munyaya dzehutungamiri hwenhabvu.

Zimbabwe yave kusangana neNigeria nemusi weSvondo mumutambo uyo maWarriors anofanira kukunda kuti asimbise mukana wawo wekubudirira kubva mugungano iri.

Mutambo uyu ndewe pamusha asi uri kutambirwa kune imwe nyika nekuti Zimbabwe haina nhandare inokodzera kutambirwa mitambo yakadai.

Super Eagles yeNigeria.

VaChris Romario Musekiwa, avo vafamba nyika dzakawanda nemaWarriors, vanoti nhandare idzi ngadzigadziriswe nechimbi chimbi.

“Nhandare dzedu dzese hadzina kumira zvakanaka. Dai zvagafziriswa basa raitwa. Kana zvichita, ngavashande siku nesikati kusanganisirawo Rufaro Stadium,” varikukumbira VaMusekiwa.

Zvimwe zvikwata zviri mugungano rimwechetero reGroup C neZimbabwe zvinoti iBenin, Lesotho neSouth Africa.

Chikwata chimwechete mugungano iri ndicho chinobudirira kuenda kumafainari eWorld Cup ,asi chinopedza chiri pachinhanho chechipiri chinokwanisa kuzotambidzwa mumwe mukana wekurwira chinzvimbo chekuendawo kumafainari.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Michael Kariati