Hondo Pakati peIsrael neHamas Yoramba Ichipisa Kunyangwe Pane Kurudziro Yekuti Pave neRunyararo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mauto eIsrael ari muGaza.

Hondo pakati peIsrael neHamas iri kuenderera mberi panguva iyo mauto eIsrael ari pachipatara chikuru cheAl Shifa chiri muGaza, achiti ari kutsvaga veHamas.

Sangano reUnited Nations rakurudzira Israel kuti imbomisa hondo kuti pawanikwe mikana yekuti zvikwanisiro zvechikafu nemishonga zvikwanise kuendeswa kune vagari vemuGaza.

Gungano reUN Security Council nhasi rabvumirana rikapasisa resolution yekuti chikwata cheHamas chiregerere nhapwa dzainadzo dzekuisrael.

Hurumende yeAmerica yakatara Hamas sechikwata chematororo.

Bazi rezvehutano remuGaza iro rinonzi riri kushanda neHamas iyo inonzi nehurumende yeAmerica matororo rinoti vanhu vashaya muhondo iyi vanodarika zviuru gumi nechimwe, kana kuti 11,000.

Israel inoti vanhu vashaya muhondo iyi munyika mayo vanodarika chiuru nemazana mana, kana kuti 1,400.

Nyanzvi mune matongerwo enyika uye vari mutungamiri webato rinopikasa reDemocratic Party, Doctor Wurayayi Zembe, vanoti zvakokosha kuti mativi maviri ari kurwisa aya atambire zvikumbiro zvekuti hondo imbomira kuitira kuti zvekudya nemishonga zvikwanise kuendeswa kune vari kutarisana nematambudziko ekushaya izvinekuda kwehondo iyi.

"Zvakakosha kuti hondo iri pakati peIsrael neHamas ipere sezvo zvakakosha kuti vagari vemuGaza, avo vari kutarisana nekushaya zvikwanisiro, vawane mikana yekuti rubatsiro urwu rwusvike kwavari," Doctor Zembe vaudza Studio 7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Wurayayi Zembe