Nyanduri Aita Mukurumbira muNyika, Mambo Guramatunhu, Anobura Dambarefu Idzva Rinonzi "Zvombo"

Nyanuri, Ngoni Paradza, anozivikanwa nerekuti Mambo Guramatunhu.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino, tine hurukuro nanyanduri aita mukurumbira, Ngonidzashe Paradza, anozivikanwa nerekuti Mambo Guramatunhu, achibva kuMasvingo.

Mambo Guramatunhu akaparura dambarefu rake idzva neMugovera svondo rakapera, rinonzi “ZVOMBO” pamabiko aakaitira kuJason Mpepo Little Theater mumusha weEastlea muHarare.

Your browser doesn’t support HTML5

Vhidhiyo Ina Mambo Guramatunhu

Anoti veruzhinji vakaenda kuzotsigira nhetembo dzaanoita achibatanidza chizvinozvino nekuisa magitare.

Imwe yenhetembo dzake yaanoti iri kufadza vanhu vakawanda inonzi “Mhiri Kwatakaenda,“ iyo inobata nyaya dzevana veZimbabwe vave kupararira nepasi rose vachinotsvaga mafuro manyoro.

Mambo Guramatunhu anoti nhetembo dzake dzinowanikwa pamadandemutande eYouTube neSpotify, uye vanoda kuteerera basa rake vanomuwana paFacebook nepa Instagram pasi pezita rekuti Mambo Guramatunhu.

Tinokupai chimwe chirongwa chemagitare nemusi weChishanu svondo rinouya.

Kune vaimbi vanoda kuti titaure navo pachirongwa chedu pano pa studio 7 tibatei pa whatsapp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMambo Guramatunhu.