Hama neShamwari Vanoita Munamato weKuonekana neMutambi Uye Murairidzi weNhabvu Ane Mukurumbira, Rahman Gumbo

MuRahman Gumbo

Hama neshamwari munhabvu vaungana neChishanu masikati muBulawayo Amphitheater pamunamato wekuonekana nemutambi uye murairidzi wenhabvu aive nemukurumbira, Rahman Gumbo uyo akashaya .

Mutumbi wake wakapinda munyika nemusi weChina kubva kuBotswana uko akashaikira musi wa 10 mwedzi uno, chinove Chishanu chapfuura.

Vamwe vakatamba nhabvu naRahman vanosanganisira Madinda Ndlovu, Zenzo Moyo, naEphraim Chawanda, ndevamwe vaonekana nemumwe wavo avakatamba naye nhabvu kuchikwata cheHighlanders pamwe nechinyika chema Warriors

Gumbo ari kutarisirwa kuradzikwa mangwana kuLady Stanley Cemetary makare muBulawayo.

Nyanzvi yezvemutambo wenhabvu uye vakambovewo mutambi uye murairidzi wenhabvu,ksananisira Zimbabwe National team vave mukuru we sangano re CM International Soccer, VaCharles Muhlauri, vanoti mhuri ye kwa Gumbo haisiriyo chete yarasikirwa asi Zimbabwe yese se nyika yrasikirwa nekushaya kwa Rahman.

Zvichakadaro, kwaitwawo munamato wekurangarira vanhu makumi maviri nevaviri vakashaya mutsaona yemumugwagwa weBulawayo-Beitbridge nemusi weChipiri, hurumende ichikurudzirwa kuumba homwe inobatsira vanenge vawirwa netsaona dzakadai.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Charles Mhlauri