Nhengo yeCCC Yakapondwa kuMabvuku neVanofungidzirwa Kuti iNhengo dzeZanu PF, VaMasaya, Vanoradzikwa

Bhokisi rine mutumbi wenhengo yeCCC, VaTapfumaneyi Masaya.

Nhengo yebato guru rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, VaTapfumaneyi Masaya, avo vakapambwa neMugovera wapfuura kuMabvuku nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF pamwe nevasori vakazowanikwa neSvondo vakapondwa, varadzikwa kumarinda eMabvuku-Tafara muHarare.

Mutungamiri webato reCCC, VaNelson Chamisa, vashora zvikuru kuita kwavanoti kweZanu PF, kwekushandisa chisimba, kuuraya, nekutyisidzira vanopikisa senzira yekutsvaga rutsigiro.

Vachitaura kumhomho yevatsigiri vebato ravo vaungana panhandare yeMabvuku Grounds kuzoonekana nemumwe wavo, VaChamisa vati kupondwa kwaVaMasaya kunoratidza kuoma mutsipa kwebato riri kutonga reZanu PF.

“Kukara simba zvakadini, kunoita kuti muponde vanhu? Kupira hupenyu hwemufundisi nekuda simba rekutonga? Kana imi VaMnangagwa, iro simba irori rinokunakirai here makarara paPillow ineropa? Kana nemi veZanu PF, munoidya mari yacho yeropa makasununguka here? Munobva mafamba muchiti mune shamhu ine munyu, asi regai tikuudzei kuti kune yaMwari.”

Vaenderera mberi VaChamisa vachiti kuitwa kwesarudzo dzema by-elections mudunhu reMabvuku-Tafara pamwe nemamwe, kwakakonzerwa neZanu PF, uye kutambisa mari yenyika.

Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa.

“Chokwadi ndechekuti sarudzo idzi hadzifaniri kunge dzichiitwa. Hatigoni kushandisa mamiriyoni mashanu senyika, pamaBy-elections evanhu vakadzingwa vaya vekutanga chete. Mari iyoyo ngaishandiswe hayo muzvipatara. Kana musingadi kuishandisako, tengai zvitima zvitsva, nekuti chitima chimwechete chinoita US$2mill. Ngatishandisei mari iyi mukuchengetedza hupenyu hwevanhu, kwete kuhuputsa.”

Vatiwo vari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCCC, VaSengezo Tshabangu, vari kushandiswa neZanu PF, asi zvose zviri kuitika izvi zvichapera munguva pfupi inotevera.

Asi VaTshabangu vagara zvavo vachiramba kuti vari kushandiswa neZanu PF, vachiti vakanangana nekuchenesa bato ravo.

Ukuwo, mukuru anoona nezvekubuditswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira, vati VaChamisa vava kungomera chiZanu PF pamuromo, nekuti vatadza kutungamira bato ravo reCCC.

“Mashoko aVaChamisa haana hunhu, uye haana huremu nekuti tichitarisa sarudzo dzadarika, dzakaitwa murunyararo nemukuyanana, Zanu PF ichikurudzira kuchengetedzwa kwehupenyu hwemunhu wese. Ngavabude pachena kuvatsigiri vavo kuti yavaiti strategic ambiguity yavo yavaiti vakaronga, yava kupfupfunyuka, uye yave kuvaparira. Ngavasiyane nekuti pese pavasimuka, vanongoti Zanu PF yadai, Zanu PF yadai.”

Gweta riri kumirira mhuri yekwaMasaya, VaInnoncent Gonese, vaudza Studio 7 kuti wongororo yakaitwa yekuratidza kuti VaMasaya vakafa nerufu rwaMwari here, yakaratidza kuti kwete.

“Hatisati hedu tawana gwaro rizere rinoratidza chakanyatso uraya mushakabvu, asi taziviswa kuti havana kufa nenzira yaMwari. Panoratidza kuti pane zvavakaitwa mukufa kwavo. Saka takamirira gwaro iri, mapurisa atoziviswa nezvenyaya yekuti vaMasaya vakafa nenzira isiri yaMwari, naizvozvo vave kutofanira kutanga wongororo yekuti chii chakaitika kwavari. Kana gwaro rese rezvinofungidzirwa kuti zvakaitika kumushakabvu rauya, tichakuzivisai.”

Nhengo yeCCC.

Kanzura weWard 9, mumusha weRuwa, vari nhengo yeCCC, VaWilfred Chuma, vati vane chivimbo chakakura chekuti pachaitwa sarudzo dzema By-election muMabvuku, bato ravo richakunda zvine mutsindo.

“Tinovimba kuti vanhu vemuMabvuku vakatsamwa nekuda kwechiitiko ichi, sezvo varikuti hatingavhoteri munhu akaurayisa mumwe mugari wemunzvimbo yedu. Ndinovakurudzira kuti vabude nehuwandu hwavo musi wa9 Zvita, vanodzosera mumiriri wavo wedare reparamende, vanyadzise vanhu veZanu PF ava.”

Vachitaurawo pakuvigwa kwemunin’ina wavo, mukoma wemushakabvu VaTapfumaneyi Masaya, VaEdward Masaya, vapa matendo nekuchemwa kwaitwa munin’ina wavo.

“Ndinoda kutenda vebato reCCC, ndigotendawo vemapato akasiyana emachechi auya kuzotikuta pakuviga hama yedu Tapfumaneyi Masaya. Chandingada kutaura ndechekuti mirau yese pano pasi, inoiswa naMwari, naizvozvo ani nani anoita zvisingadi Jehovah, acharangwa naiye.”

Nhengo dzeCCC Members kurufu rwaVaMasaya

Rufu rwaVaMasaya rwakauya nguva pfupi mushure mekushungurudzwa kwedzimwe nhengo dzeCCC dzinosanganisira mumiriri weparamende webato iri VaTakudzwa Ngadziore pamwechete nevaimbove mumiriri weMabvuku-Tafara muparamende, VaJames Chidhakwa nevanofungidzirwa kuti vasori vachishanda pamwechete nenhengo dzebato reZanu PF.

Asi Zanu PF inozviramba izvi, ichiti CCC inoda kuizora mafuta enguruve yainenge isina kudya.

Kupondwa kwaVaMasaya kwakashoropodzwa nemasangano pamwe nemapoka akawanda anosanganisira Amnesty International, Human Rights Watch, pamwe nemuzinda weAmerica, uye hurumende yakakurudzirwawo kuti ichengetedze kodzero dzevanhu vayo kuburukidza nekuferefeta nyaya dzekupambwa kwevanhu idzi.

Mushakabvu VaMasaya vasiya madzimai nevana vatatu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Tobias Mudzingwa