Zimbabwe neMuvhuro yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva revana pasi rese, reWorld Children‘s Day, hurumende ichikurudzirwa kuchengetedza kodzero dzevana, kunyanya munyaya dzedzidzo, hutano pamwe nematambudziko ari kukonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.
Gore rino zuva iri rapembererwa pasi pedingindira rekuti Every Child, Every Right, izvo zvaita kuti vabereki pamwe chete nevanorwira kodzero dzevana vakurudzire hurumende kuvandudza mitemo inochengetedza vana kuitira kuti kodzero dzavo dzisambunyikidzwe.
Mumwe mubereki, Amai Esther Nyambiya, vati zuva iri rakakosha sezvo vana vari ivo vatungamiri vamangwana uye hurumende inofanira kuchengetedza kodzero dzavo munyaya yedzidzo nehutano sezvo vakawanda, kunyanya kumaruwa, vari kushaiwa kodzero idzi.
“Nhasi tofara nekuti izuva revana. Tiri kupemberera asi tichipemberera kudaro tine mumwe mufungo wekuti vana vanofamba ma distance akakura vachienda kuchikoro kumamisha, uko vanombunyikidzwa kodzero,” vadaro Mai Nyambiya.
Mukuru wekufambiswa kwemabasa musangano rinorwira kodzero dzevana, reMy Age Zimbabwe, VaOnward Gibson, vati kodzero dzevana, kunyanya vanasikana vari kuroodzwa vasati vasvika zera, dzinofanira kuchengetedzwa.
“Kotevera dambudziko ratakatarisana naro hombe rekubata pamuviri kevasikana vasati vabva zera zvichizoita kuti vasaende mberi nedzidzo yavo,” VaGibson vadaro.
Mukuru webasa musangano rinorirwa kodzero dzevakaremera, reZimbabwe Disability, Advocacy, Empowerment and Technology Trust, Pastor Cover Mugwadi, vatiwo kodzero dzevana vakaremara dzinofanira kukosheswawo .
“Chekutanga vana vakaremara vanotanga kusadiwa mudzimba vachivigwa vachishaiwa mikana nevaberekiuvavo,” vanodaro Pastor Cover.
Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reUNICEF munyika, VaJohn Mokwetsi, vatora mukana wezuva iri kuyeuchidza nyika kuti vana vane kodzero dzakafanana nedzevanhu vakuru.
“Tinotora zuva ranhasi semukana wekuyeuchidza nyika kuti vana vane kodzero sevanhu vakuru, kodzero dzedzidzo nekugara zvakanaka,” VaMokwetsi vadaro.
Vachitaurawo pamusangano wakaitwa nesangano reUnicef kuNamibia mukupera kwesvondo, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, vakati Zimbabwe ine mitemo yakasimba inochengetedza kodzero dzevana uye ine zvirongwa zvakawanda zvainoita mukuchengetedza kodzero idzi.
“Tinofara kuti senyika tinokoshesa hutano hwevana vedu uye kana vachinorapwa havabhadhari mari, vanowana rubatsiro pachena,” VaMohadi vakadaro.
Sangano reUNICEF rinoti pavana gumi voga voga munyika vari pasi pemakore gumi, vapfumbamwe havagoni kuverenga nekunzwisisa zvakanyorwa murondedzero.
UNICEF inotiwo vechidiki vari pakati pemakore gumi nemashanu kusvika pamakumi maviri nemana vanoumba zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu vasina mabasa.
Zuva iri rakatarwa neUnited Nations muna 1959 kuti richerechedzwe musi wa 20 Mbudzi gore rega rega pasi rose.
Your browser doesn’t support HTML5