National Blood Services Zimbabwe Yokurudzira Kuti Veruzhinji Vape Ropa muNguva Ino yeKupera kweGore

Nyika inoshandisa ropa rakawanda munguva dzezororo nekuda kwematsaona anowanda.

Mukuru weNational Blood Services Zimbabwe, Amai Lucy Marowa, vanoti zvakakosha kuti nyika iwane ropa rakawanda, zvikuru pakupera kwegore, nokuti ndiyo guva inonyanya kuita tsaona dzemumigwagwa nenjodzi dzemhirizhonga mudzimba nekumafaro, izvo zvinoita kuti vanhu vakawanda varasikirwe neropa rakawandisa.

Amai Marowa vanoti ropa iri rinoshandiswa zvakare kurapa mamwe matenda asingarapike nemapiritsi ayo anongoda kuwedzerwa kweropa chete.

Amai Marowa vanoti ropa rinonyanya kudiwa nderiya rinonzi Blood Type O, iro rinova rinowanika muchikamu chikuru chevanhu vakawanda munyika.

Vaendera mberi vachiti zvakakosha kuti vanhu vapote vachinotorwa ropa iri nokuti rinopa hupenyu kune avo vasina rakakwana mumuviri yavo.

Amai Marowa vaendera mberi vachiti vana vanozvarwa namai nababa vamwechete vanogona kusaita ropa rakafanana uye vanoti munhu ari kupa ropa asati atorwa ropa iri anotanga amboongororwa zvakanyanyisa kuti vatange vaona mamiririro ehutano hwake, zvikuru matenda anotapuriranwa pabonde.

Imwe nyanzvi yehutano, Doctor Life Zambezi, vatsinhirawo vachiti ropa ndiro rinofambisa mitezo nenhengo dzemuviri wemunhu zvine hutano. Vaendera mberi vachitsanangura zvimwe zvezvinoratidza kuti muviri hausisina ropa rakakwana, vachidoma zvimwe zvirwere zvinokonzera kushomeka kweropa mumuviri.

Mukuru weZimbabwe Haemophilia Association, VaElliot Chintembo, mumwe wevarume vakazvarwa vaine denda rinonzi haemophilia rinokonzera kubuda kweropa kusingaperi.

VaChintembo vanoti dambudziko iri rinopfaviswa kana vabaiwa majekiseni anomisa kubuda kweropa iri zvokuti dzimwe nguva vanotopiwa ropa.

Sangano reNational Blood Services Zimbabwe rine mahofisi mumaguta makuru enyika anoti Harare, Bulawayo, Gweru, Masvingo neMutare.

Sangano reNBSZ riri kukurudzira vanhu kuti vanopa ropa nokuti rinoponesa hama neshamwari vasingatozvizive.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Ropafadzo Mapimhidze.