Pove neTarisiro yeChibvumirano cheKuregererwa kweNhapwa Pakati peIsrael neHamas muHurukuro Dziri Kutungamirwa neQatar

  • Jonga Kandemiiri

Mauto eIsarel ari muGaza.

Israel neHamas dzapa chiratidzo chekuti dzave pedyo nekubuda nechibvumirano chekuregererwa kwenhapwa dziri mumaoko echikwata cheHamas muGaza, kunyange hazvo pasati paziviswa zvizhinji zviri pamusoro pechibvumirano ichi.

Hurumende yeAmerica yakatara Hamas sechikwata chematororo.

Mutungamiri wehurumende yeIsrael, VaBenjamin Netanyahu, vaudza mauto akamirira kuenda kuhondo kuti vari kubudirira mukuona kuti nhapwa dzasunungurwa, vachiti havafungi kuti zvakakosha kuti vataure zvizhinji panguva ino, asi vachiti vane tarisiro yekuti pachave nenhau dzakanaka.

Mutungamiri wehurumende VaBenjamin Netanyahu.

Mukuru wesangano rinoona nezvevasungwa muPalestine, rePalestine Prisoners' Affairs Authority, VaQaddoura Fares, vati chibvumirano chekupana vasungwa chinosanganisira kuregererwa kwevana mazana matatu nemakumi mashanu pamwe nemadzimai makumi masere nevaviri vekuPalestine vakachengetedzwa neIsrael.

Israel inoti zvizvarwa zvayo mazana maviri nemakumi mana, zviri muhutapwa hweHamas, makumi mashanu azvo vari madzimai nevana.

Pamusoro pechibvumirano chekuregererwa kwevakapambwa, pane hurongwawo hwekuti kurwisana kumbomiswaa kwemazuva mashanu, kuitira kupinza rubatsiro muGaza, kunyange hazvo vamwe vatungamiri vari kukurudzira kukandwa kwezvombo pasi.

Nhaurirano dzekuregererwa kwenhapwa dziri kutungamirwa nenyika yeQatar pamwe nemamwe masangano.

Mufananidzo wepamuganhu weIsrael neGaza.

Ukuwo, paramende ye South Africa yavhota ichisunga kuti muzinda weIsrael munyika iyi uvharwe pamwe nekumbomisa kudyidzana kwenyika mbiri idzi nekuda kwekurwisa kuri kuita Israel muGaza. Danho iri rinonzi ramirira kutambirwa kana kurambwa nehurumende yemutungamiri wenyika, VaCyril Ramaphosa.

Vaimbove mukuru weChristian Care, Mufundisi Forbes Matonga, vekereke yeUnited Methodist Church vachishanda vari kwaMurehwa, vanoti zvakakosha kuti nhapwa dzisunungurwe vachiti hapana munhu asiri murwi anofanirwa kutambumbwa nehondo chero nguva zvayo.

Panyaya yedanho rekuvharwa kwemuzinda weIsrael, Mufundisi Matonga vanoti South Africa ndiyo inonyatsoziva zvizere pamusoro pedanho rayo, asi vanofunga kuti paramende yakasika kumedza kutsenga ichada.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMufundisi Forbes Matonga