Vechidiki Vakawanda Vanopikisa Hurumende yeZanu PF Votya Kubuda Pachena Sezvo Zvichigona Kuisa Hupenyu Hwavo muNjodzi

Nhengo yeCCC vari nhengo yeparemende, VaTakudzwa Ngadziore ndemumwe wevechidiki vakashungurudzwa.

Vechidiki vakawanda munyika, zvikuru vanopikisa hurumende yeZanu PF, vanoti vave kutya kubuda pachena kuti vanotsigira bato guru rinopikisa, sezvo kubuda pachena kuchigona kuisa hupenyu hwavo munjodzi.

Kutaura kwevechidiki uku kunoitika mushure mekuwedzera kwenyaya dzevatsigiri vemapato anopikisa vari kupambwa, kurohwa zvakaipisisa kana kuurayirwa nyaya dzezvematongerwo enyika.

Mumwe mudzimai wechidiki, Muzvare Marcia Samupambi, avo vanogara muHarare, vanoti zviri nani kuchengetera bato ravanotsigira mumoyo, vozongozviratidza musi wekuvhota sezvo zvava kutyisa kubuda pachena kana uchitsigira bato rinopikisa.

“Zvinoita sekuti tanga tava kumbofamba nenzira yakanaka yekuti vanhu vanoremekedzana nekusiyana kwemapato avo, asi tava kudzokera munguva yazvaityisa kunzwika uchitaura nezvematongerwo enyika.

Saka ini ndakazviudza kuti, handitauri nezvazvo nekuti hauzivi kwazvinokusvitsa. Asi zvakanakawo kuti munyika vanhu vese vasununguke kutaura zvavanoda, nenzira inobvumidzwa nebumbiro remitemo.”

Imwe nhengo yeCCC yakapwambwa, VaJames Chidhakwa.

Mumwe wevechidiki mubato reCitizens Coalition for Change, CCC, VaStephen Sarkozy Chuma, vanoti zviri pachena kuti Zanu PF ndiyo iri kutyisidzira, kupamba, kurova pamwe nekuuraya vanoipikisa.

“Zvinosuwisa kuti 43yrs tawana kuzvitonga kuzere, tichiri nehurumende inoshandisa vasori kupamba nekushungurudza vanhu. Asi chinoshamisa ndechekuti vari kutonga ivava ndizvo zvakaita kuti varwe hondo yechimurenga, vachirwisa kudzvanyirirwa uku, asi nhasi ndizvo zvavave kuitawo vamwe.

Asi chandinokurudzira vechidiki ndechekuti ngarambei takashinga, tizvinunure kubva kuhurumende yeZanu PF iyi.”

Asi mumwe wechidiki muZanu PF, VaPeter Matangi, vanoramba kuti bato ravo ndiro rinokonzeresa mhirizhonga mune zvematongerwo enyika.

“Chatinotarisira sevechidiki ndechekuti munyika muve nerunyararo, kubatana nekugarisana zvakanaka sezvinogara zvichikurudzirwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

"Tinokurudzira chose kuti nyaya dzekushora nyika yedu nekuitarisira pasi, tizvisiye patinoita misangano yedu yezvematongerwo enyika. Sezvo takatarisana nesarudzo kudai, ngatibudei nehuwandu hwedu kunovhota sevechidiki, pasaite anosara.”

Svondo rapfuura, mutsigiri weCCC, VaTapfumaneyi Masaya, vakapambwa vakaurayiwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato reZanu PF. Masvondo matatau adarika, imwe nhengo yeCCC, uye vari mumiriri webato iri mudare reNational Assembly, VaTakudzwa Ngadziore, vakapambwa vakarohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti vasori vehurumende.

Vechidiki veZanu PF

Kunyange musori akaburitswa pavhidhiyo yakatorwa naVaNgadziore achizivikanwa, munhu uyu haasati asungwa.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti tsvakurudzo yekupambwa kwaVaNgadziore ichiri kuenderera mberi, uye mapurisa achazivisa veruzhinji zvavachawana.

Munyori mukuru wezvevechidiki mubato reMDC, VaAlbert Sanyika, vanoti nekuda kwemhirizhonga iri kuitika munyika, vechidiki vanogona kuodzwa moyo wekunovhota musarudzo dziri kuitwa mwedzi unouya dzekutsiva nhengo dzeparamende nemakanzura akadzingwa nevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCCC.

“Kumbunyikidzwa kweavo vari mumapato anopikisa kuri kukonzeresa kuti vechidiki vakawanda vatadze kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika. Vazhinji vavo vanenge vave kutya kuti ko ndikazopondwawo kana kupambwa sezviri kungoitika. Saka takatarisana nesarudzo dzemaBy-elections dziri kuuya, handioni vachibuda nehuwandu vechidiki.”

Wechidiki wemuHarare ane bhizimusi rekutengesa zvipfeko, Muzvare Rumbidzai Mpofu, vanoti havaoni chakaipa kuti vechidiki vasarudze mapato avanoda ezvematongerwo enyika.

“Kuti nyaya yekungoshungurudzana ipere, ngatigamucherei hutongi hwejekerere, kuitira kuti mumwe nemumwe- ungava weCCC kana kuti weZanu PF- tobatana. Chero ukaziva kuti nhingi ari kudivi rakati, hazvina mhosva nekuti tose tiri vana veZimbabwe vanoda kuti nyika yavo ibudirire.

"Asi kana tiine nyaya dzekupambwa neuuraiwa kwevanhu nekuda kwezvematongerwo enyika, kodzero dzevechidiki dzekupindana nezvematongerwo enyika dzinombunyikidzwa nekuti vanenge vave kutya.”

Vechidiki vanoshandiswa mumhirizhonga.

Mukuru wesangano rinoshandisa mitambo kukusha shoko rekubatana kune vechidiki munyaya dzezvematongerwo enyika, re4-H Zimbabwe, VaJohn Muchenje, vanokurudzira kuti vechidiki vasakanganwa chitsidzo chavakaita chekuchengetedza runyararo sarudzo dzaNyamavhuvhu gore rino dzisati dzaitwa.

“Muchayeuka kuti tisati taenda kusarudzo musi wa23 August, takaunganidza mapato ezvematongerwo enyika kuti vasayine chitsidzo chekuti vanozochengetedza runyararo sarudzo dzisati dzaitwa, dzichiitwa, uye dzichinge dzapera kuitwa.

"Chinonyanya kurwadza ndechekuti vechidiki ndivo vanonyanya kubva vaiswa pamberi mukushungurudza vanhu, uyewo ndivo vanozosangana netsaona mukusagadzikana kunoitka. Saka tinokumbirisa kuti vakuru vemapato kuti vasimuke vachiramba nyaya dzemhirizhonga idzi.”

Dzimwe nyanzvi dzinowongorora nyaya dzevechidiki dzinoti hadzioni vechidiki vachibuda nehuwandu hwavo kunovhota mwedzi unouya sezvo zvinhu zvisina kugadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Tobias Mudzingwa