Komisheni yeZveminda Yosvitsa Gwaro reTsvakurudzo Pamusoro peKugoverwa neKushandiswa kweMinda kuMutungamiri weNyika

Zimbabwe Land Commission

Komisheni inoona nezveminda, yeZimbabwe Land Commission, yasvitsa kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, gwaro retsvakurudzo yayakaita iri pamusoro pekugoverwa nekushandiswa kweminda, rinonzi Information Management System (LIMS) Audited Farms Database.

Gwaro iri rinoti huwandu hwemapurazi akaongororwa hwunosvika pazviuru mazana maviri nemakumi mashanu nezvina zvine mazana mashanu ane makumi matatu nemapfumbamwe, kana kuti 254 538.

Tsvakurudzo iyi ine chekuita nekugoverwa kwakaitwa minda, kune minda yacho, budiriro yakaitwa nevakapihwa minda iyi, kuchengetedzwa kweminda nemasango, kuwaniswa rubatsiro rwekuti varimi vagare zvakanaka vachiwana hunyazvi hwekurima, pamwe nezvikwanisiro zvakaita semakiriniki nezvikoro nemigwagwa.

Mukuru wekomisheni iyi, Komishina Tendayi Ruth Bare, vaudza vatori venhau kumuzinda weState House kuti zvakavatorera makore mashanu kuita tsvakurudzo iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko a Amai Tendayi Ruth Bare

Nyanzvi munyaya dzezvekurima vari murimisi mukuru wekambani yeAfrostain, VaWencillous Nyamupfukudza, vanoti varimi vanhasi vanogona kubatsirika netsvakurudzo yakaitwa iyi, asi vanofanira kuti vashande nesimba nekutevedzera nzira dzekurima nadzo dzakanaka dzechizvino zvino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Va Wencillous Nyamupfukudza