Egypt neQatar dzabudirira nhasi kuti Hamas neIsrael dziwedzeere nemazuva maviri mazuva ekumbomisa hondo.
Hondo iyi yange yambomiswa kwemazuva mana adarika uye chibvumirano ichi change chichipera mhasi.
Kuwedzerwa kwenguva yekumisa kurwisana kunonzi kuchapawo kuti zvive nyore kusungunura vanhu makumi maviri vakapambwa muIsrael uye vamwe makumi matanhatu vekuPalestine. Mumwe mukuru muhurumende yeIsrael atiwo pachine vanhu zana nemakumi masere nevana vachiri muhutapwa muGaza.
Asi hondo iyi yanyanya kuunza kusawirirana pakati peSouth Africa neIsrael. South Africa iri kukurudzira kuti International Criminal Court iferefete Israel nekwainoti kutyora kodzero dzevanhu vemuPalestine zvainoti zvakafanana nehurumende yerusaruraganda yaitonga munyika iyi isati yawana kuzvitonga kuzere.
Israel inoti Hamas, inonzi neAmerica chikwata chinopfurikidza mwero, ndiyo yakaisvokosva. South Africa yakavhota kuti imbovhara muzinda weSouth Africa munyika iyi.
Muzvinafundo Ricky Mukonza vanodzidzisa paTswane University of Technology vaudza Studio 7 kuti South Africa inogona kuguma yokanganisa kudyidzana kwayo nenyika dzakaita seAmerica dzinodyidzana zvakanyanya neIsrael.
Your browser doesn’t support HTML5