Vamwe Vanoti China Iri Kungomora Lithium Pasi Pundutso Asi Zanu-PF Ichizviramba

VaEmmerson Mnangagwa, lnemutungamiri weChina Xi Jinping

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vavhura zviri pamutemo chimwe chikamu chekambani yeBikita Minerals Spodumene nePetalite kuMasvingo.

Kambani yekukwenenzvera chicherwa cheLithium iyi iri pasi kekambani yekuChina inonzi Sinomine Resources Group Company Ltd.

Asi VaMnangagwa vakurudzira vari kuchera lithium kuti vatange kugadzira mabhatiri anozoshandiswa pamagetsi anoshandisa zuva kana kuti solar kwete kugumira pane zvaitwa nhasi izvi.

Kambani yeBikita Minerals ine vashandi mazana masere nemakumi matanhatu uye inonzi ine lithium inosvika matani mamiriyoni gumi nerimwe kana kuti 11 million.

Sinomine Resources Group yakatenga mugodhi uyu nemari inosvika zana remamiriyoni nemakumi masere kana kuti US$180 million.

Mutevedzeri wemurongi wemabasa muZanu-PF Youth League VaTaurayi Kandishaya vati zviri kuitwa nekambani iyi zvakakosha mukusimudzira hupfumi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTaurayi Kandishaya

Asi mukuru wesangano rinoona nezvezvicherwa reCentre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vati Zimbabwe haina zvakawanda zvairi kuwana kubva kuChina.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFarai Maguwu

Kambani iyi yakambovharwa nekuda kwekusajeka kwemabasa ayo kusanganisira kutyora kodzero dzevashandi.