Musangano wezvemamiriro ekunze weUnited Nations Conference of Parties kana kuti COP28 watanga nhasi kuDubai, United Arab Emirates uye uchapera musi wa 12 Zvita.
Vanoona nezvemamiriro ekunze veWorld Meteorological Organization vaudza vari kumusangano uyu kuti gore rino richapinda munhoroondo segore rakapisisa zvakanyanya. Izvi zviri kukonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.
Nyanzvi munyaya dzezvemamiriro ekunze vachishanda nesangano reZimbabwe Environmental Law Associtioan Doctor Byron Zamasiya vati nyaya yekupisidsa kwekunze iyi ndiyo iri kukonzerawo kusanaya zvakanaka kwemvura muZimbabwe nemuSADC.
Vanhu vanodarika zviuru makumi manomwe kana kuti 70,000 kusanganisira vamiriri vehurumende, vemaindustry, vechidiki, vatori venhau nevamwe vari kutarisirwa kupinda mumisangano yeCOP28 iyi.
Zimbabwe yakamirirwawo kumusangano uyu nevehurumende nevemasangano akazvimirira oga.
Your browser doesn’t support HTML5