Hurumende yeSouth Africa Inowedzera Hupenyu hweMagwaro eZimbabwe Exemption Permit neMamwe Makore Maviri

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rezvemukati menyika muSouth Africa, VaAaron Motsoaledi.

Hurumende yeSouth Africa yazivisa neChishanu kuti yawedzera nemamwe makore maviri hupenyu hwemagwaro eZimbabwe Exemption Permit (ZEP) pamwe neLesotho Exemption Permits (LEP) zviri kugara munyika iyi kusvika musi wa 29 Mbudzi 2025.

Izvi zvaziviswa negurukota rezvemukati menyika yeSouth Africa, VaAaron Motsoaledi.

Magwaro aya aifanirwa kupera kushanda panopera gore rino asi akanga azowedzerwa nedare kusvika mukupera kwaChikumi 2024.

VaMotsoaledi vaudza vatori venhau kuti danho iri ratorwa pachiteverwa Section 31 (2)(b) chemutemo we Immigration Act.

Vane vana vakazvarirwa muSouth Africa kana vavanogara navo imomo vanonzi vari kukurudzirwa kuti vanyorese vana ava.

Danho iri ratambirwa nemufaro nezvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika kuzviuru zana nemakumi manomwe nezvisere (178 000) zviri pamagwaro aya.

Sachigaro verimwe sangano rinomirira zvizvarwa zvekunze kwenyika muSouth Africa, reAfrican Diaspora Forum Global Network, Doctor Vusumuzi Sibanda, vanotiwo sesangano vanotambira nemufaro danho iri asi vachiti makore maviri inguva duku kwazvo.

."Pane zvinhu zvisina kunyatsojeka, uye tiri kuona kuti two years inguva shoma, idukusa zvikuru. Tiri kufunga kuti minister vangoitira chete kuti white paper yavo iyi iende kuParamende, ende voona kuti vanenge vagona here kuti vachinje mutemo wavo we immigration," vanodaro Doctor Sibanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Vusumuzi Sibanda