Dare reSupreme Court neChishanu rarasa nyaya yakakwidzwa kudare iri nenhengo dzebato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change dzichipikisa mutongo wedare reHigh Court wakasimbisa kudzingwa kwadzo muparamende nevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri, VaSengezo Tshabangu.
Asi kuraswa kwenyaya iyi nedare reSupreme Court hakurevi kuti hapana nyaya, asi kunonzi kwauya nekuda kwekuti nhengo idzi hadzina kutevera zvinofanirwa kuitwa mukupikiswa kwenyaya dzakadai kumatare mumagwaro adzo akasvitswa kudare iri.
Izvi zvave kureva kuti sarudzo dzema by-election dzakatarwa musi wa 09 Zvita 2023 dzave kuzoenderera mberi.
Hatina kukwanisa kubata magweta ari kumirira nhengo dze Tripple C idzi kuti tinzwe kana dzichapikisa danho re Supreme Court iri kana kudzokera zvakare kudare iri dzagadzirisa magwaro adzo.
Mutauriri webato reTripple C, VaPromise Mkwananzi, vashoropodza mutongo uyu vachiti unoratidza kuti matare haana kusununguka.
Tabatawo vari kuzviti ndivo mutevewedzeri waVaTshabangu, VaAlbert Mhlanga, avo vanoti vafadzwa zvikuru nezvabuda mudare re Supreme Court, vachiti vave kutoita gadziriro dzesarudzo dzema by-election dziriko svondo rinouya.