Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vari kupinda musangano wezvekushanduka kwemamiriro ekunze, weCOP 28, uri kuitirwa kuDubai, vaudza musangano wekutsvaga nzira dzakachenjera dzekurima nadzo dzinochngetedza chikafu, we 'COP 28 High Level Party Event on Climate Smart Agriculture for Food Security: Succeses, Challenges and Opportunities,' kuti Zimbabwe, sedzimwe nyika dzose, haina kusiiwa nematambudziko ari kukonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.
VaMnangagwa vati nekuda kwaizvozvo, Zimbabwe yave kushandisa nzira ine hungwaru yekurima nayo, ye 'Pfumvudza/Intwasa,' iyo inoti murimi aite zvekuchera makomba pane kurima negejo.
Asi vamwe vari kushoropodza nzira yekurima nayo iyi, vachiti inzira yechinyakare yekurimba nechibhakera isisafambirane nenguva, uye inokuvadza varimi misana.
NeChishanu VaMnangagwa vataura pane mumwe musangano apo vakakurudzira kuderedzwa kwehutsi hunosvibisa mweya wekufema.
Kunze kwemutungamiri wenyika, Zimbabwe iri kumirirwawo kumusangano uyu nemakurukota ehurumende, nhengo dzeparamende pamwe nevemasangano akazvimirira.
Mumwe wevari kumusangano uyu mukuru wesangano rinorwira kuchengetedzwa kwezviwanikwa, re Centre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu. VaMaguwu vanoti musangano uyu wakakosha zvikuru sezvo Zimbabwe iri kuwana ruzivo kubva kumapoka akasiyanasiyana.
Nyika dzemuAfrica dzinonzi dziri kukurudzira kuti nyika dzakabudirira dzakavimbisa kuunganida mari inosvika zana remabhiriyoni emadhora dzizadzise chivimbiso ichi.
VaMaguwu vanoti Zimbabwe inofanirwa kuve pakati penyika dzichazenge dzichiwaniswa rubatsiro rwedzimari dzekudzivirira kana kurwisana netsaona dzekushanduka kwemamiriro ekunze, asi vachiti sezvinongotarisirwa kunyiika dzakawanda, mari idzodzo dzinofanirwa kuchengetedzwa nekutarisiswa.
Your browser doesn’t support HTML5