Zimbabwe Inocherechedza Zuva reKudyarwa kweMiti muNyika, reNational Tree Planting Day, Veruzhinji Vachikurudzirwa Kudyara Miti

Vagari vari kukurudzirwa kudyara miti nyika yose.

Zimbabwe neMugovera yacherechedza zuva rekudyarwa kwemiti munyika, reNational Tree Planting Day, rinova zuva rinocherechedzwa gore rega rega ne musi we Mugovera wekutanga wemwedzi waZvita kubva mugore ra1980.

Muzuva iri Komisheni inoona nezvekuchengetedzwa kwemasango munyika, yeZimbabwe Forestry Commission, inotungamira chirongwa chekuparura mwaka wekudyarwa kwemiti ichipa hwaro hwemwaka nekurudziro yekudyarwa kwemiti nekumisa kuparadzwa kwemasango.

Mutauriri weZimbabwe Forestry Commssion, Muzvare Violet Makoto, vanoti zuva iri izuva rakakosha zvikuru muZimbabwe kubva pawana nyika kuzvitonga kuzere.

Vanoti gore rino chirongwa ichi chaitirwa kudunhu reManicaland, uko vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantine Chiwenga, vanga vari ndivo munyarikani mukuru vachitungamirira nyika kudyara muti wekutanga mumwaka wekudyarwa kwemiti.

“Zvadaro, tave kuenderera mberi nemwaka wedu tichisangana nemapoka akasiyanasiyana, kana vanhuwo zvavo vari kubatana nesu panyaya dzekudyarwa kwemiti,” vanowedzera vachidaro Muzvare Makoto.

Gore rino nyika iri kutarisira kudyara miti inosvika mamiriyoni makumi maviri nemashanu kuburikidza nekudyara miti inosanganisira yemichero pamwe nemuzvikoro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Violet Makoto