Hurumende yeAmerica iri kukurudzira Israel kuti itore ichengetedze hupenyu hwevanhuwo zvavo vemuPalestine apo kurwisana kwaenderera mvberi nhasi pakati pemauto ayo nechikwata cheHamas chinonzi chinopfurikidza mwero.
Kurwisana kwainge kwambomira kwakatanga zvakare nemusi weChishanu.
Zvizvarwa zvePalestine mazana maviri zvafa kubva zvatangazve hondo. Izvi zvapa kuti vafa muGaza kubva zvatanga hondo musi wa 7 Gumiguru vasvike pazviuru gumi nezvishanu nemazana maviri kana kuti (15,200). Vanhu vanodarika zviuru makumi mana vakuvarawo muhondo iyi.
Bazi rezvehutano muGaza rinoti zvikamu makumi manomwe kubva muzana madzimai nevana. Mauto emuIsrael anoti Hamas yakanda zvombo mazana maviri nemakumi mashanu kubva zvatanga hondo iyi.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris mumashoko kuvatori venhau vanhu vanhuwo zvavo vari kufa muGaza vawandisa vachiri vari kushushikana nemifananidzo yavari kuona. Amai Harris vari kumusangano wezvekushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti COP28 kuDubai.
Asi mutungamiri wehurumende yeIsrael VaBenjamin Netanyahu vati hondo haisi kuzomira kusvika vose vari muhutapwa hweHmas casungunurewa uye chikwata ichi chabviswa.
Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika yeAmerica VaLloyd Austin vanotiwo nyika yavo icharamba ichitsigira Israel asi vakati kuuraya vvanhuwo zvavo kunopa kuti vakawanda munyika iyi vatoguma vave nhinhi.