Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAnthony Blinken vanoti America iri kuwedzera zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende nevanoona nezvesarudzo nekuvanyima mavhiza pamwe nehama dzavo.
Vari kuiswa pazvirango izvi ndevaye vari kupomerwa mhosva yekukanganisa hutongo hwejekerere nekubirira sarudzo uye kumbunyikidza vanopikisa. Sarudzo dzemunyika dzinotungamirwa neZimbabwe Electoral Commision iyo inoti yakazvimirira. Asi vanopikisa vanoti inotema yakererekera divi.
Izvi zvinoreva kuti tariro yekugadzirisa hukama pakati peAmerica neZimbabwe yakaenda kumawere mushure mekupera kwesarudzo dzemuna Nyamavhuvhu idzo dzakashorwa neSADC, AU, America, EU nevamwe vaongorori vesarudzo pasi rose.
Kusafambiswa zvakanaka kwesarudzo kuri kukanganisawo chido cheZimbabwe chekudzokera mugungano reCommonwealth uye kudyidzana neEU iyo yakati haichapi ZEC mari yekubatsira kuita sarudzo.
Vanokokera Zanu-PF mudare reparamende VaPupurai Togarepi vati zvaitwa izvi hazvina pundutso vachiti vanopikisa ndivo vari kukokera zvirango izvi.
Asi nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaPromise Mkwananzi vati Zanu-PF ndiyo iri kuzvigokera moto muziso nekubirira sarudzo.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara vayambira kuti zvirango izvi zvinogona kuti nyika iite seyakageza negoka munyama. Asi vati zvakakosha kugadzirisa nharaunda yezvemabhizimisi kana vakatemerwa zvirango vachida kukwezva vekunze.
Kubva zvapera sarudzo muna Nyamavhuvhu, United Nations, America nevanorwira kodzero dzevanhu vari kuchema chema nekupambwa uye kuitwa kafiramberi kwenhengo dzeCCC kusanganisira nhengo dzeparamende, makanzura nevatsigiriwo zvavo.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaJenfan Muswere kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi kunyangwe tange tavatumira mubvunzo. Asi mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba vakamboudza Studio 7 kuti Zimbabwe inoda kudyidzana nenyika dzoe asi kana America ikaramba vanodyidzana neRussia neChina.
America yakatanga kutemera vamwe vatungamiri veZimbabwe zvirango muna Kurume 2003 ichivapomera mhosva yekutonga nedemo. Asi vatungamiri venyika vanoti zvakatemerwa nekuti vakatora minda kubva kuvachena ichipihwa vatema.