Kurwisana kunotyisa kuri kuenderera mberi pakati pemauto eIsrael nechikwata cheHamas muGaza Strip apo masangano anobatsira nechikafu nemushonga ari kushushikana nekuti kubatsira vanhuwo zvavo kuri kunetsa.
Mauto eIsrael anonzi ave kupinda mudhorobha reKhan Younis uye mamwe achirwisa Gaza nemuchadenga. Hofisi yeUnited Nations rinobatsira nechikafu kana kiuti U.N. Office for the Coordination of Humanitarian Affairs inoti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere kana kuti 1,8 million vakamanikidzwa kuenda muhupoteri muGaza.
Vanopa rubatsiro vari kuti hapana nzvimbo isiri kurwiswa muGaza nekudaro kubatsira vanhu ava kuri kunetsa.
Mukuru weRed Cross Amai Mirjana Spoljaric vakashanyira Gaza nezuro vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka uye vanhu vari kutambura zvakanyanya.
Vanhu chiuru chimwe chete nemazana maviri kana kuti 1,200 vafa muIsrael kubva zvatanga hondo musi wa 7 Gumiguru uye vanhu zviuru gumi nezvishanu zvine mazana masere nemakumi mapfumbamwe 15, 890 vafa muGaza vazhinji vacho vari madzimai nevana.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri webato rinopikisa re Democracy Party muzvinafundo Urayai Zembe vanoti zvakakosha kuti nhaurirano dzerunyararo dzinofanirwa kuenderera mberi kuitira kuti hondo pakati peIsrael neHamas imire.
"Dai masangano akadayi seUnited Nations nemamwe varamba vachizeya kuti pave nerunyararo uye kumiswa kwehondo kuitira kuti vazhinji vawane zvikwanisiro munzvimbo dzakadayi seGaza neWest Bank,"Muzvinafundo Zembe vaudza Studio7.