Vashandi vakawanda, nyanzvi mune zvehupfumi pamwe neruzhinji rweZimbabwe rwuri kuramba kutambira bhajeti ra2024 rakaturwa muparamende svondo rapera negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vachiti bhajeti iri rakanangana nekudzura minhenga yevarombo pane kuvapfirira.
Nekuda kwekuti Zimbabwe haisi kukwanisa kukwereta mari kubva kunze, hurumende yakaona zvakakodzera kuti iunganidze mari yebhajeti iri kuburikidza nemitero iri pamusoro, iyo inosanganisira yedzimba iri kunzi Wealth Tax, kukwidzwa kwemari dzema Toll Gate, mari dzemamasipoti, mutero wedzimotokari, pamwe nemitero inobatirwa vashandi pamihoro yavo.
Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vashandi vakawanda vari kunyunyuta nebhajeti iri.
"Vari kuona kana kufungidzira kuti bhajeti iri harisi kutarisa varombo kana kubatsira vanoshaya. Rakarerekera kunyanya kutorera vanhu mari. Tiri kuona kukwidzwa kwaitwa ma taxes akati wandeyi," vanodaro VaMoyo.
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, Muzvare Happiness Zengeni, vanoti bhajeti rakaturwa svondo rapera iri muchidimbu tingangoti riri kuti veruzhinji sungai dzisimbe.
"Nokuti mune zvakawandawanda zvavakapakura imomo zvinotorera mari kuvanhu. Nokuti tinonzwisisa kuti hurumende pari zvino haina mukana wekuti ikwerete mari yekunze iri at cheap interest rates," Muzvare Zengeni vanodaro.
Muzvinafundo Elliot Mashocha, avo vanodzidzisa zvehupfumi paDevry University mudunhu reOhio muno muAmerica, vanoti bhajeti riri kuronga kushandiswa muna 2024 iri ibhajeti risati ramboonekwa kwemakore makumi mana nematatu kubva nyika yawana kuzvitonga.
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira bato rinopikisa re Coaltion for Democrats (CODE), VaTrust Chikohora, vanotiwo mutero wedzimba uri mubhajeti iri unoremedza vakawanda sezvo mari dziri kutangira mutero uyu dze zana rezviuru zvemadhora usiri mucherechedzo wekuti munhu ane imba inokosha mari iyoyo ave mupfumi.
Saka zvingagadzirisika sei? VaMoyo vanodzoka vachiti sezvo bhajeti iri richiri pachinhanho chekuumbwa, hurumende ine mukana wekugadzirisa zviri kunyunyutwa neveruzhinji izvi risati ratanga kushanda.
Mubatanidzwa wemasangano evarairidzi, weFederation of Zimbabwe Educators’ Union, FOZEU, uri kurambawo kutambira bhajeti iri uchiti mihoro yevashandi vehurumende iri kubatirwa mitero iri pasi zvakanyanya, inofanirwa kukwidzwa.
Zvichitevera kuturwa kwakaitwa bhajeti regore rinouya iri naMuzvinafundo Ncube, paramende ndiyo yave kutarisirwa kurizeya, zvikuru komiti inoona nezvemari, iyo inotambira pfungwa dzemapoka akasiyanasiyana dziri maringe nezviri mubhajeti iri, iyo yozopawo maonero ayo pane zvakaturwa negurukota.
Asi dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti hadzioni paine zvizhinji zvichashanduka kana dzichitarisa mamiriro eparamende pari zvino, uko Zanu PF iri iyo ine huwandu muNational Assmebly pamwe nemuSenate.
Bhajeti iri rinonzi ranyanya kusiyana nemamwe mabhajeti nechikonzero chekuti hurumende iri kuunganidza mari kubva kumitero yakasiyanasiyana munyika.
Kunyange zvakadaro, veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vape pfungwa dzavo nezvavanoda kuti zvigadziriswe kukomiti ye Budget Finance Committee.
Your browser doesn’t support HTML5