Zanu-PF Yoshora America Pakunyima Mavhiza Vairi Kuti Vari Kubirira Sarudzo

VaAntony Blinken

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muamerica, VaAnthony Blinken vanoti America iri kuwedzera zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende nevanoona nezvesarudzo nekuvanyima mavhiza, pamwe nehama dzavo.

Vari kuiswa pazvirango izvi ndevaye vari kupomerwa mhosva yekukanganisa hutongo hwejekerere nekubirira sarudzo uye kumbunyikidza vanopikisa.

Mugwaro kuvatori venhau, VaBlinken vakati vanhu vakanangwa nezvirango izvi vanosanganisira avo vakabetsera mukubirwa kwesarudzo, vakatadzisa kuvhota kwevatsigiri vemapato anopikisa vakasununguka, vanovhiringa kushanda zvakanaka kwe masangano akazvimirira, neavo vanobetsera mukutyorwa kwekodzero dzevanhu, neavo vanoita zvechioko muhomwe nekushungurudza vanhu.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, vachishanda nesangano re All Hands On Deck, VaKennedy Masiye, vanoti zvirango izvi zvakananganavo nevamwe vanhu vane mabhizimisi mu America asi vachishanda pamwe nebato reZanu-PF.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKennedy Masiye

Asi mushandi mukuru muhofisi yezvekubudiswa kwemashoko muZanu-PF, VaFarai Marapira, vanoti zvakaitwa ne America izvi zvinoratidza kuti America haina hanya nekodzero dzevanhu veZimbabwe, vachiti America haina kubetsera kana nyika imwe zvayo yemu Africa panguva yekurwira kuzvitonga kuzere.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFarai Marapira