South Africa Yopesana neZimbabwe paNyaya yeVana Vanodarika Mazana Mana Vanonzi Vaida Kupinda muNyika Iyi Vasina Magwaro Akakwana

VaAaron Motsoaledi

Paita ropa rakaipa pakati peZimbabwe neSouth Africa panyaya yevana vekuZimbabwe mazana mana nemakumi mana nevatatu kana kuti 443 vanonzi vakabatwa pabhodha reBeitbridge vachida kupinzwa muSouth Africa pasina vabereki kana magwaro ekufambisa akakwana.

Gurukota rezvemagariro evanhu VaJuly Moyo vanoti vana vavari kuziva izana nemakumi maviri nevana vakabatwa kudivi reZimbabwe uye vakati vakawanda vavo vakatodzoserwa kuvabereki vavo.

Gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vakatsinhirawo mashoko aVaMoyo. Studio 7 yayedza kuvabata asi vati vange vari kumusangano kuState House vasina kusungunuka kutaura.

Asi gurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwemukati menyika yeSouth Africa VaAaron Motsoaledi vaudza Studio 7 kuti vari kuramba vakamira nemusambangwena pakuti ivo vakabata vana mazana mana nemakumi mana nevatatu vakavadzosera kuZimbabwe.

Vanoona nezvekuchengetedzwa kwemabhodha muSouth Africa vatumirawo Studio 7 mashoko vachitsinhira mashoko aVaMotsoaledi.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZimbabwe Exiles Forum Amai Diana Zimbudzana Chambara vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti South Africa ingoburitsa humbo hwaiinahwo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Diana Zimbudzana-Chambara