America Yowedzera Rubatsiro kuMiddle East Apo Hondo Pakati peIsrael neHamas Iri Kuenderera Mberi

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Medical workers from Princess Alia Governmental Hospital and other protesters gather for a demonstration condemning the targeting of hospitals and medical clinics and in solidarity with Palestinians in the Gaza Strip, in the city of Hebron in the occupied

Kurwisana pakati pemauto eIsrael nechikwata cheHamas kurikuenderera mberi panguva iyo mukuru wesangano rinopa rubatsiro muAmerica reUSAID amai Samantha Power vazivisa kuti sangano ravo riri kuwedzera mari yerubatsiro nemari inosvika mamiriyoni makumi maviri nerimwe kana kuti $21 million ichashandiswa mukubatsira vasangana nematambudziko nekuda kwehondo mudunhu reMiddle East.

Vatiwo bazi rezvekudzivirirwa kwenyika muAmerica rinonzi ratumirawo rubatsiro rwechikafu nemishonga munzvimbo yeGaza neWest bank.

Masangano anopa rubatsiro anoti zviri kunetsa kubatsira vari muGaza nekuda kwehondo yauraya madzimai nevana vakawanda kudarika vari kurwisana vacho.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Doctor Simbiso Ranga vanoti danho ratorwa neUSAID rokuwedzera rutsigiro rwunorumbidzwa uye vane tarisiro yekuti rumwe rwerubatsiro urwu rwuchave mishonga iyo irikushomeka muzvipatara parizvino.

“Savanachiremba tinoshuwira kuti vamwe vedu varikuita mabasa ekubatsira varikutarisana nehondo munzvimbo yeGaza neWest Bank vawanewo zvikwanisiro zvemishonga yekushandisira vanenge vakuvara izvo zvinonzi zviri kushomeka parizvino,” Doctor Ranga vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Simbiso Ranga