Mutongo wedare reHigh Court wekuti nhengo dzeCitizens’ Coalition for Change, CCC, dzakadzingwa muparamende nemakanzuru nevari kuzviti ndivo munyori mukuru webato rinopikisa iri, VaSengezo Tshabangu, hadzifanirwe kukwikwidza musarudzo dzema by-election dziriko neMugovera uno watambirwa nemaonero akasiyanasiyana.
Vamwe vari kutevera nyaya iyi vanoti mutongo uyu unoratidza kuti matare edzimhosva ari muhapwa dzeZanu PF vachiti ari kutonga achitarisa kuti munhu abuda mumba maani, vachiti bato riri kutonga reZanu PF ragara riri kutsvaga nzira dzekuti rive nehuwandu muparamende hunoribvumidza kushandura mitemo pamadiro.
Ukuwo, vamwe vari kuti iyi inzira yekushandisa matare kuparadza hutongo hwejekerere pamwe nekuparadza vanopikisa.
Mumwe wevane maonero uyu ndaVaRejoice Ngwenya, vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reCoalition for Market and Liberal Solutions (COMALISO) Zimbabwe.
VaNgwenya vanoti nyaya yekuisa nhengo mbiri kana nhatu kuti dzikwikwidze hachisi chinhu chitsva.
“Nokuti pakaitwa sarudzo dzemuna August, pakange paine ma double candidate. Sei matare asina kuti ma candidates aya akanga azvinyoresa eTriple C asakwikwidza? Iko zvino vakubata ma candidates aVaTshabangu vachinzi ndivo chaivo chaivo, ava havasi chaivo. Ndinofunga kuti inini mutongo we Electoral Court unofanirwa kunge uchitevedzwa,” VaNgwenya vanodaro.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaJones Musara, vanoti mutongo weHigh Court uyu hauneyi nebato ravo reZanu PF, asi kuti unoburitsa pachena kwavanoti kusarongeka kwebato guru rinopikisa iri, izvo zvakapa mukana kuna VaTshabangu wekuita zvavo madiro aJojina.
VaMusara vanoti matare edzimhosva haatonge achitarisa kuti munhu abuda mumba maani, asi kuti anotarisa nyaya sezvairi, vachiti agara anopawo mitongo inopesana nemaonero eZanu PF asi havachemi sezvinoitwa neCCC, iyo vanoti inofunga kuti mitongo yese inofanirwa kuenda kudivi rayo.
“Zvakafanana tikatarisa sarudzo dzakaitika muna August kuBulawayo. Kune nhengo dzeTriple C dzakanonoka kuendesa mapepa dzakanga dzarambidzwa kukwikwidza musarudzo, vakaenda kumatare edzimhosva. Matare akati izvo vanhu ava ngavakwikwidze. Tanga tisingazvifarire seZanu PF asi zvakaitika,” vaMusara vanodaro.
Nhengo dzekurambidzwa nedare kukwikwidza idzi dzinonzi dzatopikisa mutongo wedare repamusoro uyu kudare reSupreme Court, zvichireva kuti pamutemo, mutongo weHigh Court uyu unofanirwa kusendekwa.
Panhengo dzakadzingwa, vari kumirira CCC vari kudivi raVaNelson Chamisa musarudzo yemumiriri weMabvuku-Tafara, VaMunyaradzi Febion Kufahakutizwi, ndivo chete vangangokwikwidza neMugovera sezvo zita ravo risiri panhengo makumi maviri nembiri dzarambidzwa kukwikwidza nedare.
Magweta aVaTshabangu ari kuti VaKufahakutizwi vakadzingwa nemhosho, vakanga vasingafanirwe kudzingwa, nekudaro vachaenderera mberi nekukwikwidzana naVaScott Sakupwanya veZanu PF.
Your browser doesn’t support HTML5